Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inotambira Nhomba dzeSinopharm Mazana Masere eZviuru


Zimbabwe receives 500,000 Sinopharm shots from China, June 26, 2021, to vaccinate people against COVID-19, which is caused by a coronavirus. (Columbus Mavhunga/VOA)

Zimbabwe yatambira nhasi nhomba dzeSinopharm mazana masere ezviuru 800,000, uye dzimwe nhomba dzeSinopharm zviuru mazana manomwe 700,000 dziri kutarisirwa kusvika munyika mangwana dzichibva kuChina.

Munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana,
vazivisa padandemutande ravo reTwitter kuti hurumende nhasi yatambira
nhomba idzi kubva kuChina, uye dzimwe nhomba dziri kusvika mangwana.

Nhomba idzi dzasvika panguva iyo hurumende iri kukundikana kubaya nhomba vanhu vanenge vaenda munzvimbo dziri kubayiwa vanhu nhomba.

Bazi rezvehutano mudunhu reMashonaland West rinoti riri kutadza kubaya nhombapamwenekupa vanhu dzidziso yezvechirwere cheCovid-19 kunzvimbo dziri kure nekuda kwekushaya zvekufambisa.

Mukuru anoona nezvedzidziso yehutano mudunhu reMashonaland West, Dr George Kambondo, vaudza Studio 7 kuti dunhu ravo rine dambudziko rekushaikwa kwemotokari dzekushandisa muzvirongwa zvavo.

Bepa nhau rehurumende reHerald razivisawo nhasi kuti bazi rinoona
nezvekupinda nekushandiswa kwemishonga munyika reMedicines Control
Authority of Zimbabwe rakabvumidza kushandiswa kweimwe nhomba
yekudzivirira chirwere cheCovid-19 yeJohnson & Johnson inogadzirwa nekambani yekuAmerica.

Nhomba yeJohnson & Johnson ndiyo nhomba yechishanu kubvumidzwa
kushandiswa muZimbabwe.

Dzimwe nhomba dziri kushandiswa dzinosanganisira Sinopharm
neSinovac kubva kuChina, Sputnik V kubva kuRussia pamwe neCovaxin kubva kuIndia.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano uye vaimbove gurukota rezvehutano
muhurumende yemubatanidzwa, Dr Henry Madzorera, vanoti kubvumidzwa
kwenhomba yeJohnson & Johnson chinhu chakanaka chaitwa nehurumende sezvo zvichapa vanhu mukana wakakura wekusarudza nhomba dzavanoda.

Bazi rezvehutano rakazivisa kuti vanhu zana nevanomwe kana kuti 107
vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro izvo zvakasvitsa vanhu vafa
nechirwere ichi pazviuru zvitatu namazana maviri ane makumi masere kana kuti 3,280.

Vanhu chiuru chimwe chete nemazana manomwe nemakumi matanhatu nevanomwe, vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare, izvo zvakasvitsavanhu vabatwa nechirwere ichi munyika yose, pazviuru zana nechimwe chete nemazana manomwe ane gumi nemumwechete, kana kuti, 101 711.

Kusvika nezuro, hurumende inoti vanhu vabaiwa nhomba yekutanga
yeCovid-19 vainge vave miriyoni imwe chete nezviuru mazana mashanu ane makumi maviri nezviviri nezana nemakumi mashanu kana kuti 1, 522,150. Zimbabwe ine vanhu mamiriyoni gumi nemana vanokodzera kubayiwa nhomba yeCovid-19.

Vanhu vabaiwa nhomba dzose dziri mbiri vave zviuru mazana matanhatu anem makumi mapfumbamwe nezvina nemazana matanhatu ane makumi masere nevashanu kana kuti 694,685.

Izvi zvinoreva kuti Zimbabwe yashandisa nhomba mamiriyoni maviri nezviuru mazana maviri negumi nezvitanhatu zvine mazana masere nekamumi matatu neshanu, kana kuti 2, 216,835 doses.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana kuitira kuti chirwere ichi
chisarambe chichipararira munyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG