Vatongi vedare iri vachitungamirwa nemutevedzeri wemukuru wevatongi munyika, Justice Elizabeth Gwaunza, varasa chikumbiro ichi asi havana kupa zvikonzero vachiti vachaita izvi apo vachatura mutongo wavo uzere panyaya iyi.
Vanofamba nemabhazi anotakura veruzhinji vanoti vari kufara zvikuru nekudzikiswa kwemari dzekufambisa kwaitwa nekambani yeZupco .
Vatori venhau nemasangano enhau aratidza kusuwa kukuru zvichitevera kufa kwemuzvinambiri munyaya dzekuburitswa kwenhau, Sandra Nyaira, uyo akamboshanda neVOA Studio7 kwemakore gumi nemaviri.
Mwanakomana wevaimbove mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, VaDudzani Zuma, vakurudzira veruzhinji kuti vasaita mhirizhonga inokonzera kuuraya hupfumi hwenyika sezviri kuitika pari zvino.
Vanamazvikokota pasi rose vachiri kuita ongororo yekuona kuti nhomba dziri kubayiwa dzinonyatsoshanda here pamhando yeDelta variant iyi.
Muimbi ane mukurumbira ari chizvarwa cheZimbabwe chiri muSouth Africa, Tawanda Kasaira, uyo anonyanyozivikanwa nerekuti Doctor Tawanda Benson, anoti denda reCovid-19 riri kukanganisa mashandiro ake zvakanyanya izvo zvakashandurawo raramo yake.
Mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nezuro vakazivisa nyika kuti lockdown iriko ichaenderera mberi kwemamwe masvondo maviri nekuda kwekukwira kwehuwandu hwevanhu vari kubatwa nekufa nechirwere cheCovid-19
Nyaira akashaya nezuro muHarare mushure mekurwara nedenda reCovid-19. Anga ava nemakore makumi mana nematanhatu ekuberekwa.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dziri kukurudzira hurumende kuti ibatsire vanhu vave kuda kunonga svosve nemuromo nekuda kwekurudziro yekuti vagare mudzimba nekuda kwekupararira zvinotyisa kwoita chirwere cheCovid-19.
Mhirizhonga iri kunderera mberi muSouth Africa zvikuru mumatunhu eKwaZulu-Natal neGauteng umo matumirwa mauto mapurisa achiti vanhu vafa mumhirizhonga iyi kusvika pari zvino, vava makumi mana nevashanu.
Kubaiwa nhomba kwevanhu kuri kuenderera mberi munzvimbo dzakasiyana siyana muBulawayo vaamwe vachiti vari kukwanisa kubaiwa pasina dambudziko, asi vamwe vachiti vari kutadza kubaiwa nhomba mudzimwe nzvimbo.
Mutevederi wasachigaro wemasangano akazvimiririra munyika, reNANGO muMasvingo, Amai Joyce Mhungu, vaudza hurumende kuti isanyanyopindira mumashandiro avo sezvo vane basa rekuva ziso revanhu pamabasa ose anioitwa nehurumende munyika.
Rodhai zvimwe