Mutambo wenhabvu warasikirwa nerimwe gamba zvichitevera kushaika kwaita Steve Kwashi uyo akatambira Zimbabwe Saints pamwe nekurairidza Caps United nemaYoung Warriors.
Vame vari kubaya nhomba kuMhangura, mudunhu reMashonaland West vari kupikisana nekurudziro yehurumende yekuti madzimai akazvitakura kana kuti ari kuyamwisa abayiwe nhomba yeCovid-19 kana hutano hwavo hwakamira zvakanaka.
Mitambo yema kwikwi eTokyo Olymplics 2020 ari kuitirwa kuJapana uko Zimbabwe iri kukwidzawo iri kuenderera mberi nyika dzemuAfrica dzichitatarika kuwana menduru.
Botswana yatumira nhasi chikwata chemasoja mazana maviri ane makumi mapfumbamwe nematanhatu ayo achange achishanda ari pasi pesangano remubatanidzwa wenyika dziri kuchamhembe kweAfrica muMozambique reSouthern African Development Community (SADC) Mission.
Hurumende iri kuronga kuvandudza mutemo weHealth Services Act, izvo zvinonzi zvichaita kuti vashandi vose vezvehutano muzvipatara nemakirinika ehurumende varambidzwe kuramwa mabasa kwemazuva matatu akatevedzana.
Pavanhu mazana maviri nevanomwe vakaongororwa mushure mekufa nechirwere cheCovid 19, zvikamu makumi masere nezvisere nezvidimu zvipfumbamwe kubva muzana kana kuti 88.9% vanhu vakange vasina kubayiwa nhomba dzeCovid 19.
Vatambi vemuZimbabwe Donata Katai na Peter Purcell Gilpin vabuda mukurwira menduru mumakundano e2020 Olympic Games ayo arikuitwa kuTokyo, Japan
Bazi rezvehutano rinoti neMugovera vanhu makumi masere nevapfumbamwe kana kuti 89 vakafa nechirwere cheCovid-19 zvasiya huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira gore rapera vave zviuru zvitatu nemakumi mashanu kana kuti 3, 050.
Mutambi wetsiva, Charles Manyuchi, achange achidzivirira bhande rake reWorld Boxing Federation ari mune imwe nyika kekutanga kubva zvaatora mukombe uyu.
Zimbabwe Electoral Commission, Zec, inoti iri kuvhara mahofisi ayo kwemasvondo maviri kutanga nemusi weMuvhuro unouya zvichitevera kukwira kuri kuita huwandu hwevanhu vari kubatwa neCovid-19, kusanganisirawo vamwe vashandi veZec.
Gwaro idzva raburitswa nehurumende rinoti vanhu vari kufa zvakanyanya nechirwere cheCovid 19 vanhu vanenge vasina kubaiwa nhomba dzekudzivirira chirwere
Ongororo yakaitwa neZimbabwe National Statistical Agency (ZIMSTAT) gore rapfuura, inoratidza kuti zvikamu makumi mashanu kubva muzana zvevanhu munyika, vakararama muhurombo hwakanyanya nekuda kwedenda reCovid-19 pamwe negoho rakange risina kumira zvakanaka.
Rodhai zvimwe