Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nhasi vakurudzira veruzhinji kuti vanobayiwa nhomba dzeCovid 19 vachiti vari kushushikana nekuparira kuri kuita chirwere ichi. VaMnangagwa vataura mashoko aya pamarinda anoradzikwa magamba enyika paHeroes Acre, neMuvhuro.
Hurumende yeSouth Africa nemusi weMuvhuro yakapinza mauto mumigwagwa senzira yekumisa mhirizhonga inotyisa iri munyika iyi zvichitevera kukandwa mujeri kwevaive mutungamiri wenyika iyi VaJacob Zuma vachipomerwa mhosva yekuzvidza dare.
Nyanzvi munyaya dzezvehutano dziri kukurudzira hurumende kuti isimbaradze kudzidzisa nekubaya vanhu vari kumaruwa nhomba sezvo chirwere ichi chave kupararira zvinotyisa munzvimbo idzi. Kumaruwa ndiko kunogara vanhu vakawandisa munyika.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemusi weMuvhuro vakakurudzira veruzhinji kuti vanobayiwa nhomba dzeCovid 19 vachiti vari kushushikana nekuparira kuri kuita chirwere ichi.
VaMagaya vati sangano ravo richaferefeta vanhu varikubvunzurudzwa ava rigoendesa zvarinenge rawana kuJudicial Services Commission kuti komishini iyi igoona zvekuita.
Hondo iyi yave kuda kusvika makore mana uye yauraya vanhu vanodarika zviuru zvitatu nekukonzera kuti vanhu zviuru mazana masere vaende muhupoteri.
Vaimbove meya weguta reHarare, VaBenard Manyenyeni, avo vakanga vapinda muchipatara neMugoivera pamwechete nemudzimai wavo Amai Francesca Manyenyeni nemushandi wavo, vabuda muchipatara mushure mekupora kubva kuCovid-19.
Akange ari makuwerere kuvatsigiri venhabvu sezvo raive saruraude pamitambo yekuona kubva kuCOSAFA Cup, Euro 2020 Cup uye Copa America.
Gurukota rinoona nezvevashandi nemagariro evanhu Muzvinafundo Paul Mavima vaudza Studio 7 kuti kutanga mwedzi uno mari dziri kutambirwa nevari pamudyandigere dziri kuwedzerwa kusvika pamadhora makumi matatu ekuAmerica kana kuti US$30.
Bazi rezvehutano rinoti vanhu mazana maviri nemakumi matanhatu nevanomwe kana kuti 267 vafa nechirwere cheCovid-19 mumazuva manomwe adarika zvichienzaniswa nevanhu zana nemakumi matatu nevana kana kuti 134 vakafa panguva imwe chete svondo rapera.
Musikana anoita zvemitambo, Magdeline Moyengwa, apinda munhoroondo yekuva munhukadzi wekutanga wechitendero chemapositori kubudirira kuenda kuJapan kumakwikwi e 2020 Olympic Games.
Rodhai zvimwe