Accessibility links

Breaking News

PTUZ Inoti Ichakamirira Mhinduro yeHurumende Pachikumbiro Chekuti Varairidzi Vapiwe Mari Dzekutenga Masaisai


Hutungamiri hwePTUZ, VaTakavafira Zhou naVaRaymond Majongwe
Hutungamiri hwePTUZ, VaTakavafira Zhou naVaRaymond Majongwe

Sangano revarairidzi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, rinoti richakamirira mhinduro kubva kuhurumende pachikumbiro charo chekuti varairidzi vapiwe mari dzekutenga masaisai (data) kuitira kuti vakwanise kudzidzisa vana pamadandemutande panguva ino yeCovid-19.

Svondo rapera PTUZ yakanyorera kuhurumende ichikumbira kuti varairidzi vawaniswe masaisai (data) emahara kuitira kuti vakwanise kudzidzisa vana vachishandisa dzinharembozha, uye kuti vakwanise kupinda mune mamwe madandemutande senzira yekudzidzisa vana.

Munyori mukuru wesangano iri, VaRaymond Majongwe, vanoti vachakangomirira kunzwa kubva kubazi redzidzo, kunyange hazvo vakaendesa tsamba yavo negwara rinokurudzirwa.

Mutauriri webazi redzidzo yepasi, VaTaungana Ndoro, vaudza Studio 7 kuti vanga vasati vaona tsamba yakanyorwa nePTUZ iyi, kunyange hazvo sangano iri riri kuti rakaisiya kumahofisi ebazi redzidzo yepasi.

Hurumende yakazivisa mwedzi uno kuti yaendesa marhedhiyo zviuru mazana maviri muzvikoro zvekumaruwa senzira yekubatsira nayo kuti vana vawane dzidzo munguva ino yeCovid-19.

Vachipindura mubvunzo wekuti vana vasina nharembozha vanozobatsirika sei nehurongwa hwekudzidza nemasaisai, VaMajongwe vanoti hurumende inofanirwa kuwanisa vana ava pamwe nevarairidzi nharembozha dzinenge dzchizoshandiswa nezvikoro.

Hurukuro naVaRaymond Majongwe
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG