Vanhu vakawanda vaswera vari mukati meguta reBulawayo vachiita zvavanogara mazuva ose, zvisinei nekuti hurumende yakati yave kudzora matanho akasimba ekuedza kudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid 19 icho chiri kuramba chichitekeshera munyika.
Mazana nemazana evanhu vanga vakaungana nhasi paParirenyatwa Hospital vachida kubayiwa nhomba yekutanga, asi izvi hazvina kuitika sezvo chipatara ichi chichikwanisa kubaya nhomba vanhu mazana mashanu chete pazuva.
Vamwe vashandi vari kuchemachema kuti vamwe varidzi vemakambani ezvizvarwa zvekuChina vari munyika vari kutyora kodzero dzavo vachivashandisa senhapwa asi hurumende haina zvairi kuita kuvabatsira.
Chizvarwa chekuZimbabwe, VaTafadzwa Chikoto, avo vakasarudzwa kuve kanzura wedhorobha reCorby kuBritain muna Chivabvu wegore rino, vakasarudzwa zvakare kuve mutevedzeri wameya wekanzuru yedhorobha iri.
Hurumende inoti yadzosa mitemo yose yakashandiswa pakatanga kubuda chirwere cheCovid-19 gore rapera sezvo huwandu hwevanhu vari kuramba vachibatwa pamwe nekufa nechirwere cheCovid 19 huri kuramba huchikwira munyika.
Vagari vemuguta reGweru vave kukwanisa kubhadhara mitero yavo nezvimwe zvakasiyana siyana kukanzuru yavo vachishandisa dandemutande repanharembozha dzavo.
Zimbabwe yakatarisana nedambudziko remweya wekubatsira kufema kwevarwere veCovid-19 vanenge vachirwarisa munzvimbo dzakawanda munyika.
Kambani ine migodhi yakawanda munyika, yeKuvimba Mining House, nhasi yazivisa kuti hainei namuzvinabhizimisi, VaKudakwashe Tagwirei, avo vanonzi nesangano reThe Sentry vanoshanda nekambani iyi mumabasa ayo asina kujeka.
Vanhu vakawanda vanoti vari kushushikana zvikuru nekufa kwakaita vanhu mutsaona yakaitika nezuro mudunhu reMasvingo panguva iyo vanhu vari kurambidzwa kufamba munguva dzemanheru.
Rimwe sangano rinomiririra vanorarama nekutengesa muBulawayo, reBulawayo Vendors and Traders Association, rinoti rinotambira nemufaro chirongwa chehurumende chekubaya nhomba yekudzivirira Covid-19 kuvanhu vanorarama nekutengesa icho chaparurwa muguta iri.
Vanhu vakawanda vakabayiwa nhomba yekutanga yeCovaxin vanoti vari kumiswa kwenguva yakareba kuti vabayiwe nhomba yepiri. Izvi zvinonzi zviri kukonzerwa nekuti kabhodhoro kamwe chete kenhomba iyi, kanofanirwa kushandiswa kubaya vanhu gumi kana kachinge kavhurwa.
Sangano reZimbabwe Coalition on Debt and Development rinoti hurumende inofanira kushambadza zvakanyanya homwe yebudiriro yemadzimai, yeWomen Development Fund, richiti ongororo yarakaita inoratidza kuti madzimai akawanda munyika haana ruzivo pamusoro pehomwe iyi uye kuti inofambasei.
Rodhai zvimwe