NeChitatu Politburo yebato riri kutonga reZanu PF, yakatsigira kurudziro yemutungamiri webato iri uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, yekuti masangano akazvimirira asiri kutevera gwara remashandiro awo raakanyoresa kuhurumende anofanirwa kumiswa kushanda munyika.