Accessibility links

Breaking News

Nhomba yeCovid-19 Yoshaikwa kuMasvingo


The Sinovac Covid-19 coronavirus vaccine (Photo by JUNI KRI

Vagari vakawanda vemuguta reMasvingo vanoti vari kutadza kubayiwa nhomba yeCoviid-19 sezvo isiri kuwanikwa muguta ravo.

Vagari vataura neStudio7 vati vari kushushikana zvikuru sezvo vave
nemazuva maviri vachidzoserwa kudzimba vasina kubaiwa nhomba pazvipatara zvekanzuru munzvimbo dzavanogara vachinzi nhomba yeCovid-19 yapera.

Mumwe mugari wemumusha weRujeko, VaModreck Mashoko, vati
chirongwa chekuuyisa nhomba muzvipatara zviri munzvimbo dzeveruzhinji
change chakanaka, asi nhomba yacho iri kuita shoma sezvo vaishaiwa
nhasi.

Mukuru anoona nezvekufambiswa kwemabasa muMasvingo United Residents and Ratepayers Alliance, Muzvare Rumbidzai Magurupira, vati vakaparura chirongwa chekurudzira vagari kuti vaende kunobaiwa nhomba asi nhomba yacho isiri kuwanikwa.

Munyori weguta reMasvingo, VaEdward Mukaratirwa, vati nhomba
yambopera asi vagari vanokurudzirwa kuti vasaore moyo nechirongwa
chekubaiwa vachiti vari kutaura nehurumende kuti mimwe mishonga
iwuyiswe kuzvipatara zvekanzuru.

Mutauriri weCovid-19 Taskforce muMasvingo, VaRodgers Irimayi, vati
hurumende iri kukurudzira vagari kuti vasasvibe moyo nekuti hurumende iri mubishi rekuwuyisa dzimwe nhomba kubva mhiri kwemakungwa izvo zvichaita kuti munhu wese abaiwe nhomba yeCovid-19.

Hurumende yakazivisa nezuro kuti vanhu vainge vabaiwa nhomba yekutanga vakanga vave miriyoni imwe chete nezviuru mazana mana nemakumi mapfumbamwe nechimwe nemazana mana nemakumi
mapfumbamwe nevatatu, 1 491 493, uye vabaiwa nhomba yepiri vainge vava zviuru mazana matanhatu nemakumi masere nezvinomwe nemazana maviri negumi nevatanhatu, 687, 216.

Vanhu makumi manomwe nevapafumbamwe vakafa nedenda
reCovid-19 nezuro, izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vafapazviuru zvitatu nezana nemakumi manomwe nevatatu, 3,173.

Vanhu zviuru zviviri nemakumi mashanu, 2,050, vakabatwa nechirwere ichi nezuro, izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi pazviuru makumi mapfumbamwe nezvipfumbamwe nemazana mapfumbamwe nemakumi mana nevana, 99,944.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana senzira yekudzivirira
kupararira kwechirwere ichi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG