Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri mu America chiri muhusungwa mudunhu reMaryland mushure mekukuvadza mudzimai wacho pamwe nekuda kupfuudza hupenyu hwacho chichishandisa moto.
Magweta anorwira kodzero dzevanhu anoti haasi kufara nedanho rakatorwa nehurumende rekushandura mutemo unobata minda yekumaruwa ichiisa minda iyi pasi peminda yehurumende kana kuti state land, kuburikidza nemutemo we Statutory Instrument Number 51 of 2021.
Huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere cheCovid-19 munyika hwave kukwira zvakare kunyange hazvo vanhu vave kubayiwa nhomba yekudzivirira chirwere ichi.
Hama neshamwari dzemudzimai aiita zvemitambo muZimbabwe nekuSouth Africa, Anne Nhira, uyo akashaya musi wa 11 Kurume kuSouth Africa kwakare, dzaita munato muRandburg, South Africa, wekurangarira mufi mutumbi wake usati waendeswa kuZimbabwe.
Chipatara cheParirenyatwa chinoti huwandu wevana vemuzvikoro zvepasi nepamusoro vari kuvhenekwa Covid-19 pachipatara ichi huri kukwira zvichitevera chikumbiro chezvimwe zvikoro chekuti vana nezvikoro vanofanira kudzoka kuchikoro vaine magwaro anoratidza kuti vakaongororwa.
Mubatanidzwa wemasangano emadzimai munyika, weWomen's Coalition of Zimbabwe, unoti uri kufara nekugadzwa kwaitwa Amai Samia Suluhu Hassan, semutungamiri weTanzania zvichitevera kushaya kwaVaJohn Magufuli nemusi weChitatu.
Nyanzvi dzezvehutano dzinoti dziri kushushikana zvikuru nekushomeka kwevanhu vari kuzvipira kubaiwa nhomba yekudzvirira Covid-19 kunyange hazvo pave nezvirongwa zviviri zviri kufambiswa nguva imwechete zvinoti Phase 1 ne Phase 2.
Huwandu hwevana vari kusvika pamuganhu weAmerica neMexico vari vega huri kukwira zuva nezuva, izvo zvave kukonzera kuti vamwe vati pava nedambudziko guru.
Dare revanhu vatatu, kana kuti Tribunal, rekutonga mutongi wedare repamusoro, Justice Erica Ndewere, rakatanga nezuro mangwanani kuzeya nyaya iyi.
Mutauriri wemhuri yekwaNhira, VaSimon Nyarugwe, vati mutumbi waNhira uri kusvika muZimbabwe nhasi masikati. Vati mutumbi uyu wakanonoka kupedza kuongororwa zviri pamutemo chakapa kuti mutambi uyu afe chii, kana kuti post-mortem.
Asi paita muonero wakasiyana muZimbabwe vamwe vachiti mushakabvu ange ave kudzvinyirira vanhu asi vamwe vachiti vange vari mutungamiri aive negwara rakanaka pakusimudzira hupfumi wenyika yake Nekurwisa huwori
Sezvakaitika pakutanga, mutevedzeri wemutungamiri wenyika uye vari gurukota rezvehutano, VaConstantino Chiwenga, vabayiwa nhomba yechipiri nhasi muHarare veruzhinji vachiona.
Rodhai zvimwe