Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inorangarira Kushaya VaJohn Magufuli vekuTanzania


Prezdentii Taanzaaniyaa shanaffaa ka turan, Joon Poombee Jooseef Magifuulii

Mumiriri weTanzania muZimbabwe, Professor Emmanuel Mbena, vanoti nyika yavo yarasikirwa zvikuru nekushaya kwemutungamiriri wenyika yavo, VaJohn Magufuli.

Asi paita muonero wakasiyana muZimbabwe vamwe vachiti mushakabvu ange ave kudzvinyirira vanhu asi vamwe vachiti vange vari mutungamiri aive negwara rakanaka pakusimudzira hupfumi wenyika yake Nekurwisa huwori.

VaMbena, vaudza Studio 7 kuti VaMagufuli, avo vange vave nemakore makumi matanhatu nerimwe ekuzvarwa, vakashaya nezuro mushure mekurwara nemoyo, munhu aida nyika yake uye achitungamira mabasa ebudiriro zvekuti Tanzania yarasikrwa zvikuru nekushaya kwavo.

Vati nhasi vawana mashoko enyaradzo kubva kubazi reZimbabwe rinoona nekudyidzana nedzimwe nyika, vakuru vakuru vehurumende, vamiriri vedzimwe nyika muZimbabwe nemasangano akasiyana.

Vatiwo mangwana vachavhura gwaro rekuti vanhu vanobata maoko kana kuti Book of Condolences pamuzinda weTanzania muHarare asi vati vanhu vanofanira kuenda vari vashoma pachitevedza zviga zveWorld Health Organisation nebazi rehutano muZimbabwe zvekudzvirira kupararira kweCovid-19.

Kunyange hazvo hurumende yeTanzania yakazivisa kuti VaMagufuli vakashaya nechirwere chemoyo, vanhu vakawandavanofungidzirwa kuti vakafa neCovid-19.

VaMbena vaudza Studio 7 kuti kunyange VaMagufuli vaenda, havaoni hurumende yeTanzania ichatsauka pane zvavaiita nekuti matanho ese avaitora vaimaita nevamwe vavo muhurumende.

Mumashoko avo padandemutande ravo reTwitter, mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vati vanochema nemhuri yeTanzania neAfrica nekushaya kwaVaMagufuli.

Mushandi mukuru mubazi rinoona nezvekuritswa kwemashoko mubato riri kutonga reZanu PF, VaTafadzwa Muguti, vaudzawo Studio 7 kuti Zimbabwe yarasikirwa zvikuru sezvo Zanu PF nebato riri kutonga kuTanzania reChamachamapinduzi zviine hukana kwakadzama.

Vati Tanzania yakabatsira Zimbabwe zvikuru panguva yehondo, uye hondo yapera, saka kushaya kwaVaMangufuli kwavasuwisa zvikuru.

Vakafanobata chigaro chemutauriri weMDC-T, VaWitness Dube, vatiwo bato ravo rinochema neTanzania nekuvarangarira panyaya dzekurwisa huwori.

Mumwe mugari wemuChinhoyi, VaIsrael Nyandoro, vati mufi ange riri gamba zvikuru sei pamabatiro avakaita nyaya dzeCovid-19.

Asi mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatshwayo, vashora mufi nemabatiro avakaita denda reCovid-19.

Mukuru wesangano reCommunity Working Group on Health, VaItayi Rusike, vati uchave mucherechedzo kuti vezvematongerwo enyika, dzisvondo, nemasangano akasiyana kuti vanofanirwa kuterera nyanzvi dzehutano panyaya dzine chekuita nezvehutano.

Vanongorora nyaya dzematongerwa enyika vakazvimirira, Dr Wellington Gadzikwa, vati VaMagufuli vakatanga zvakanaka chose asi vazoshaya varashika pagwara revaimbove mutungamiriri wenyika iyi wekutanga nyika yawana rusunguko, VaMwalimi Julius Nyerere.

Hurumende yekuTanzania yatara masvondo maviri ekuchema VaMagufuli uye mutevedzeri wavo, Amai Samia Suluhu Hassan, vanotarisirwa kugadzwa kuti vatore chinzvimbo chaVaMagufulki kusvika pasarudzo dzinotevera muna 2025.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG