Hurumende inoti makambani nemasangano akazvimirira ave kukwanisa kutengawo mishonga yekubaya vashandi vawo kuti vadzvirirwe kubva ku denda reCovid-19.
Mhuri yeZimbabwe iri muAmerica neChishanu chino ichange ichionekana nemumwe wevaive vafundisi vakuru vekereke yeUnited Methodist Church, Mufundisi Isaac Mapipi Mawokomatanda, avo vakashaya nemusi wa 27 Kukadzi kuAtlanta mudunhu reGeorgia.
Mapurisa aridza pfuti akakuvadza pamwe nekasunga vanhu vane chitsama mushure mekunge nhengo dzeMthwakazi Republic Party dzaratidzira panze peBukawayo Police Central nhasi mangwanani.
Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muhupoteri muSouth Africa zvinoti zviri kutambira nemufaro rubatsiro rwakapihwa nyika iyi neUnited Nations High Commissioner for Refugees, UNHCR, zvichiti zvichaita kuti South Africa isimudzire mabasa ayo ekuongorora magwaro evanhu vari kutsvaga hupoteri munyika iyi.
Kusarudzwa kwevanhu vachanzwa kutongwa kwemhosva iri kupomerwa Derek Chauvin, mupurisa anonzi akauraya gore rapera munhu mutema muAmerica, VaGeorge Floyd, kwakatanga muguta reMinneapolis nezuro, Chipiri.
Hurumende yakazivisa zviri pamutemo nemusi weChipiri kuti yachinja mamwe mazwi ari mumutemo, kana kuti Statutory Instrument 50 yegore ra2021, pamusoro pesora rinorimwa munzvimbo yeChilonga kuChiredzi.
Kuvhurwa kwezvikoro kunogona kusafamba sezviri kutarisirwa mushure mekunge masangano akawanda anomirira varairidzi azivisa kuti nhengo dzawo dzakawanda dzichatadza kudzokera kumabasa nekuda kwekushaiwa mari dzekufambisa.
Munyori mukuru weZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, VaJaphet Moyo, vari kukurudzira makambani ose kuti atange misangano nemasangano evashandi vachikurukura nyaya dzemihoro.
Mudzimai waVaDzamara, Amai Sheffra Dzamara, vaudza Studio 7 kuti vanorwadzikana zvikuru nekureba kwenguva vasina ruzivo rwekuti zvii zvakaitika kumurume wavo.
Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vanoti hutongi hwakaipa huri kuitwa nehurumende yeZimbabwe pamwe nedenda reCovid-19, zvaunza matambadziko akawanda ari dzorera nyika kumashure.
Zvichaburitswa nechikwata ichi ndizvo zvinonzi zvichanongedza kuchaenda chirongwa chekubaya nyika yose nhomba munguva dzose.
Mitengo yezvinhu zvakawanda munyika yatanga kukwira zvakanyanya uko vashandi vari kugunun’una kuti havasi kuwedzerwa mari.
Rodhai zvimwe