Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inopa Mvumo Makambani neMasangano Kutenga Nhomba yeCovid-19


Bottles with Russia's "Sputnik-V" vaccine against the coronavirus disease (COVID-19) are seen before inoculation at a clinic in Tver, Russia October 12, 2020. REUTERS/Tatyana Makeyeva
Bottles with Russia's "Sputnik-V" vaccine against the coronavirus disease (COVID-19) are seen before inoculation at a clinic in Tver, Russia October 12, 2020. REUTERS/Tatyana Makeyeva

Hurumende inoti makambani nemasangano akazvimirira ave kukwanisa kutengawo mishonga yekubaya vashandi vawo kuti vadzvirirwe kubva ku denda reCovid-19.

Hurumende inoti mishonga yakapihwa mvumo neMedicines Control Authority of Zimbabwe (MCAZ) ndiyo chete ichashandiswa munyika.

MCAZ yakapa mvumo yekuti mishonga inoti Sinopharm neSinovac yekuChina, Covaxin yeku India neSputnik-V yekuRussia ishandiswe zvechimbi chimbi munyika kudzivirira kupararira kweCovid-19.

Vachitaura mushure memusangano wedare remakurukota nezuro manheru, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Seneta Monica Mutsvangwa, vakati makambani nemasangano akazvimirira anokwanisa kutenga mishonga iyi chete mushure mekunge apihwa mvumo nebazi rezvehutano.

Kana awana mvumo vanozoisa mari muhomwe yehurumende yeNational Vaccine Procurement Fund iyo inozoatengera mishonga.

Amai Mutsvangwa vanoti kana mishonga ichinge yauya munyika, ichachengetwa kuCentral Stores senzira yekuona kuti zvese zvinodiwa pakuchengetedza mishonga iyi zvatevedzwa.

Vanotiwo mishonga iyi ichaendeswa kumakambani nezvipatara zvakazvimirira yakachengetedzwa nemapurisa eZimbabwe Republic Police.

Amai Mutsvangwa vati vakadzidziswa basa ndivo vachabaya vanhu nhomba zvichiongororwa nebazi rehutano.

Nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti danho rekuti kutengwa kwemishonga kutungamirirwe nehurumende rakanaka uye richadzivirira chitsotsi nezvimwe zvinogonga kuitika kana makambani akaregwa achitengwa mishonga iyi ega.

Munyori musangano remachiremba anorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Association for Doctors for Human Rights, Dr Norman Matara, vati paigona kuita dambudziko rekuti mishonga iyi yaizodhuriswa zvakanyanya.

Izvi zvatsinhirwa, nemutungamiriri wesangano remachiremba akazvimirira, re Medical and Dental Private Practitioners of Zimbabwe Association, Dr Johannes Marisa, avo vati hurumende iri kuedza kuderedza dambudziko rekutengeswa kwemishonga yemanyepo.

Mishonga iyi innzi haidi kuchengetwa panotonhora zvakanyanya semimwe mishonga iri kushandiswa kune dzimwe nyika.

Kunyange zvakadaro, Dr Matara, vaudza Studio 7 kuti vanokurudzira hurumende kuti ipe mvumo kune mimwe mishonga uye vati panofanira kujekeswa pakutengwa kwemishonga iyi.

China yakapa Zimbabwe zvibhodhoro zviuru mazana maviri zvenhomba yeSinopaharm uye zvimwe zviuru mazana maviri zvatova munyika uye ndizvo zviri kushandiswa kubaya vashandi vehutano nevamwe.

Russia yakapawo Zimbabwe zvibhodoro zviuru makumi maviri zveSputinik V kozotiwo India yakapa Zimbabwe zvibhoro zviuru makumi manomwe nezvishanu zvemushonga weCovaxin.

Kusvika nezuro, Zimbabwe yange yabaya nhomba vanhu zviuru makumi matatu nezvishanu nemazana manomwe nemakumi matanhatu nemumwe, 35 761.

Mune imwewo nyaya, dare remajisitireti nhasi rabhadharisa imwe nhengo yeMDC Alliance, Netsai Marova, zviuru gumi nezvishanu zvemadhora emuno semari yechibatiso kuti vatongwe vachibva kumba panyaya yavari kupomerwa.

Muzvare Marova vange vakavharirwa kujeri reChikurubi, mushure mekusungwa Chishanu chapfuura vachipomerwa mhosva yekufamba famba zvisina mwero padare ramajisitireti reRotten Row.

Muzvare Marowa vachadzoka kudare zvakare musi 23 Kurume.

Mune imwo nyaya, mumiriri weHarare West muparamende, Muzvare Joana Mamombe naMuzvare Cecilia Chimbiri, vacharara mutirongo nhasi zvekare mushure mekunge mutongi wedare, Amai Vongai Muchuchuti-Guwuriro, vati vachatura mutongo wavo mangwana pachikumbiro chevaviri ava chekuti vatongwe vachibva kumba.

Vaviri ava vakasungwa Chishanu chapfuura vachipomerwa mhosva yekuita musangano nevatopri venhau padare panguva yeNational Lockdown.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG