Accessibility links

Breaking News

Vana veZimbabwe Vari muAmerica Voonekana neMutumbi waMufundisi Mawokomatanda kuGeorgia


Mufundisi Isaac Mapipi Mawokomatanda
Mufundisi Isaac Mapipi Mawokomatanda

Mhuri yeZimbabwe iri muAmerica neChishanu chino ichange ichionekana nemutumbi wemumwe wevaive vafundisi vakuru vekereke yeUnited Methodist Church, Mufundisi Isaac Mapipi Mawokomatanda, avo vakashaya nemusi wa 27 Kukadzi kuAtlanta mudunhu reGeorgia.

Mufundisi Mawokomatanda vakashaya mushure mekurwara kwenguva ndefu.

Mutauriri wemhuri, vari mwanakomana waMufundisi Mawokomatanda, VaShongedzai Mawokomatanda, vanoti veruzhinji vanokwanisa kuonekana naMufundisi Mawokomatanda vachapiwa mukana uyu nemusi weChishanu kuimba yerunyararo kwavakachengeterwa iye zvino kwakare kuAtlanta.

VaShongedzai Mawokomatanda vanoti neMugovera pachazovewo nemukana wevehukama wekuti vaonekane nemufi, pachizotevera munamato uchatungamirwa nekereke yavaipinda yeStockbridge First United Methodist Church uyo uchaitwa munguva dzemasikati.

Munamato uyu unonzi uchaitwa kuburikidza nedandemutande nekuda kwekuti vanhu havasi kukwanisa kuungana nechikonzero chedenda reCovid-19.

Mufundisi Mawokomatanda vakaberekwa musi wa15 Kubvumbi 1940 kuNyakatsapa kwaMutasa mudunhu reManicaland.

"Baba vakaberekwa kuOld Mutare. Mai vavo vakanga vaita makore makumi maviri nerimwe vasina mwana vachingonamatira kuti vaite mwana. Saka musi wavakabereka Baba, kuNyakatsapa ikoko zvinonzi vamwe vese vakashamisika kuti aah! Aya ndiwo mapipi chaiwo," vanodaro VaShongedzai Mawokomatanda vachitsanangura pamusoro perimwe remazita aBaba vavo, rekuti Mapipi.

Vanoti baba vavo vakazodzidza paNyakatsapa vachizoenda paOld Mutare pavakaita zvidzidzo zvehufundisi pamwe nepaEpworth Theoloogical College muHarare. Vakazoshandawo semufundisi mumakereke anoti Mutare Hill Top kwaMutare, Mabvuku muHarare neMuziti kwaRusape.

Mufundisi Mawokomatanda vakazosarudzwa kutungamira masangano mumatunhu anosanganisira Mutare South, Bulawayo, Masvingo neSouth Africa, uko vakazivikanwa zvakanyanya nebasa ravaiita rekuvhura makereke matsva, izvo zvakazoita kuti vapiwe zita remadunhururirwa rekuti “Chipwanya Masango”.

Mukutanga kwemakore ekuma 1990, Mufundisi Mawokomatanda vakazoenda kuAmerica kwavakanoita zvidzidzo zvepamusorosoro, pashure vachizobata basa vari kumatunhu anoti Pennsylvania, New York neBaltimore mudunhu reMaryland.

Muna 2012 vakazosiya basa vave kuenda pamudyandigere vachinogara nemhuri yavo kuGeorgia uko vakazoshaikira.

Mumwe wevafundisi veUnited Methodist Church vakashanda naMufundisi Mawokomatanda kuZimbabwe pamwe nekuBaltimore-Washington kuAmerica, Mufundisi Gladman Kapfumvuti, vanoti vakarasikirwa zvikuru nekushaya kwaMufundisi Mawokomatanda.

"Vange vari mufundisi vaida Mwari. Vanga vari muvhangeri dai kuri kutaura. Vaive munhu aida kuti vhangeri risvike kumunhu wese. Takaenda tese kuTsambuta nekuMasvingo. Vakazotungamira zvakare United Methodist Conference yakaitirwa kuSouth Africa tawana kuzvitonga kuzere. Vaive munhu aida Mwari kwazvo. Zvaionekwa pakushumaira kwavaiita," vanodaro Mufundisi Kapfumvuti.

Mufundisi Kapfumvuti vanoti chimwezve chinhu chavanotondera nacho Mufundisi Mawokomatanda ndechekuti vakanga vari mufundisi vaigashirika nevamwe vavo, uye vakanga vasiri mufundisi vevana vekuZimbabwe chete.

VaMawokomatanda vadiki vanoti vanotarisira kunoradzika Baba vavo kumusha kuOld Mutare, kunyange hazvo pasati pave nezuva rati ratarwa sezvo magwaro ekufambisa achiri kugadziriswa.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chaiwirirana zvikuru nemufi, Doctor Fanuel Chirombo, vanotiwo kushaya kwaMufundisi Mawokomatanda kwakasiya vende guru muhupenyu hwevanhu vakawanda vavaibatsira muhupenyu hwavo pamwe nekushanda navo, zvisineyi nekuti munhu aibva kunyika ipi.

"Takarasikirwa zvikuru nekuti Sekuru Mawokomatanda vakanga vasiri munhu aitarisa kuti wabuda mumba maani. Vakanga vasina basa kuti mazivana zuva iroro. Vaikubata sezvavaingoita munhu wavainge vazivana naye kwemakore akawanda. Haa, ndakarwadziswa zvikuru nekushaya kwavo," vanodaro Doctor Chirombo, misodzi ichijenga mumaziso avo.

Mufundisi Mawokomatanda vakasiya mudzimai nevana vapfumbamwe, uye vazukuru nevazukurubvi vakawanda.

Hurukuro naVaShongedzai Mawokomatanda
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
Hurukuro naMufundisi Gladman Kapfumvuti
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG