Accessibility links

Breaking News

Vashandi Vanoti Vanoda Kuwedzerwa Mari Sezvo Zvinhu Zvose Zvave Kudhura


Prices

Mitengo yezvinhu zvakawanda munyika yatanga kukwira zvakanyanya uko vashandi vari kugunun’una kuti havasi kuwedzerwa mari.

Mapazi nemakambani akawanda ehurumende akaita seredzidzo, Zimbabwe Energy Authority, Zimbabwe National Road Authority, Zimbabwe Electricity Authority, neZimbabwe Revenue A,uthority, akawedzera mari dzemitero izvo zviri kuitwawo nemakanzuru nevemabhizimisi.

Makambani enharembhozha eEconet neNetOne akawedzerawo mari achiti ainge apihwa mvumo nePOTRAZ.

Munyori mukuru weZimbabwe Congress of Trade Unions, VaJaphet Moyo, vatenda kuti mushandi ari kutsenga mhandire nemavende uye vanodawo kuwedzera mari dzemihoro.

Peturu yakawedzerwa kubva padhora nemasendi makumi maviri nematanhatu kusvika padhora nemasendi makumi matatu parita.

Mutungamiri weConfederation of Zimbabwe Retailers, VaDenford Mutashu, vati vemabhizimisi vave kumanikidzwa kukwidza mitengo nekudhura kwemafuta ekufambisa dzimotokari.

Mashoko aya atsinhirwa nenyanzvi munyaya dzezvehupfumi, VaVictor Bhoroma, avo vati kukwira kwemitengo kuchakanganisa zvikuru chido chehurumende chekuti inflation idzike kusvika pazvikamu gumi kubva muzana.

Nyanzvi munyaya dzezvemabhanga, VaGilbert Muponda, vatiwo kukwira kwemitengo yezvinhu kuri kukonzerwawo nekuti mabhodha haasati anyatsovhurwa zvopa kuti zvishoma zviri kupinda munyika zvidhure.

Vanoongorora nyaya dzezvehupfumi vakazvimirira, VaMasimba Kuchera, vati zvinhu hazvina kumira zvakanaka kuvatengi vachiti zvikoro zvakawedzerwa mari.

Asi gurukota rezvemaindasitiri, Dr Sekai Nzenza, vanoti hurumende iri kuyedza kugadzirisa hupfumi kuti hudzikame kuburikidza nezvirongwa zvakaita seNational Development 1 chemakore mashanu.

Mutengo wepeturu uri kukwira pasi rose sezvo nyika dzakawanda dzovhura mabhizimisi mushure mekumbovhara nekuda kwechirwere cheCovid-19.

Vanoongorora mutengo wemafuta ekufambisa dzimotokari pasi rose veGlobal Petrol Prices.Com vanoti Zimbabwe iri pakati penyika nhatu dzemuAfrica dzinodhura zvakanyanya mafuta aya izvo zvopawo kuti vemabhizimisi vakwidze mitengo yezvinhu.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG