Accessibility links

Breaking News

ZCTU Yokurudzira Nhaurirano dzeMihoro Kuti Dziitwe Izvozvi


Vashandi vanoda hurukuro pamusoro pemihoro yavo

Munyori mukuru weZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, VaJaphet Moyo, vari kukurudzira makambani ose kuti atange misangano nemasangano evashandi vachikurukura nyaya dzemihoro.

Kurudziro yaVaMoyo inotevera kusawirirana pakati pehurumende, ZCTU nesangano revashandirwi reEmployers Confederation of Zimbabwe, Emcoz, panyaya yekuti Tripartite Negotiating Forum itare mari inotambirwa nemushandi wepasi pasi kana kuti minimum wage.

Asi VaMoyo vanoti kukwira kuri kuita mitengo yezvinhu kwave kupa kuti ZCTU ide kuti paitwe nhaurirano dzechimbi chimbi dzekugadzirisa nyaya dzemari yemihoro.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi mutungamiri weEmcoz, Doctor Israel Murefu, vanoti mitengo iri kukwira hongu asi zvinogona kusaramba zvakadaro nekupindana kwenguva.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG