Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vanoti Hurumende yeZanu PF Iri Kudzorera Nyika kuMashure


Mutungamiri weMDC VaNelson Chamisa Vokurudzira Nhaurirano Pkati Pavo naVaMnangagwa
Mutungamiri weMDC VaNelson Chamisa Vokurudzira Nhaurirano Pkati Pavo naVaMnangagwa

Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vanoti hutongi hwakaipa huri kuitwa nehurumende yeZimbabwe pamwe nedenda reCovid-19, zvaunza matambadziko akawanda ari dzorera nyika kumashure.

Vachiparura hurongwa hwavo hweZimbabwe Agenda 2021, VaChamisa vati Covid-19 yakawedzera matambudziko eZimbabwe akaita sehutongi hwakaipa, kutyorwa kwekodzero dzevanhu, huwori uye kuparadzwa kwebato ravo nebato riri kutonga reZanu PF.

Vati hurumende yeZanu PF iri kushandisa Covid-19 kuramba ichidzvinyirira nekushungurudza veruzhinji nebato ravo.

Vati hurumende yakamisa kuitwa kwesarudzo mushure mekunge yadzinga nhengo dzeMDC Alliance dzeparamende nemakanzuru dzakakunda musarudzo dza2018.

Vatiwo zviri pachena kuti Zanu PF inoda kuti munyika muve nebato rimwe chete kunyange hazvo iri kuda kuita sekuti munyika mune mapato anopikisa akaita seMDC-T inotungamirwa, naVa Douglas Mwonzora, anoita zvido zveZanu PF.

Vatiwo bato ravo rakanyimwa mari yarinoifanira kuwana pasi pemutemo wePolitical Parties (Finance) Act, ichiendeswa kumashamwari eZanu PF.

VaChamisa vati gore rino havasi kuzorega Zanu PF ichiita zvainoda vachiti vachaunganidza mari nezvimwe zvekushandisa pamwe nekutsvaga rutsigiro rwakasimba munyika yese.

Vati zvichaita kuti vakwanise kuita zvirongwa zvese zvavanoda zvekuona kuti nyika yaita sarudzo dzakachena uye kuti nyika yaita hutongi hwejekerere pamwe nekugara zvakanaka kwemunhu wese.

Vatsanangura 2021 segore resungano yevanhu yeshanduko vachiti donzvo ravo guru ndere kuti vanhu vese muZimbabwe vabatane pasi pedingindira rekuti A New Consensus, A New Convergence, A New Alliance.

Asi vakafanobata chigaro chemutauriri weMDC-T, VaWitness Dube, varamba kuti bato ravo riri kushanda neZanu PF kana kuti hurumende vachiti hazvibatsiri kupomerana manyepo asi kuti mapato anopikisa aya anofanira kubatana mukugadzirisa zvinhu munyika.

Mushandi mukuru bazi rezvekuburitswa kwemashoko mubato reZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vaudza Studio7 kuti bato ravo harina hurongwa kwekuparadza MDC Alliance sezvo MDC Alliance yave kutoparara yega nekutizwa nevamwe vaimbove vakuru vakuru mubato iri vakaita saAmai Lillian Timveous.

Varambawo kuti vari kushandisa denda reCovid-19 kuti pasaitwe sarudzo munyika.

Munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, varamba kuti hurumende ine chekuita nekudzingwa kwenhengo dzeMDC Alliance muparamende.

Vatiwo harisi basa rehurumende kuronga kuti mapato anofambisa basa rawo sei vachiti hurumende inotori nebasa guru rekuita kudarika izvi.

VaChamisa vati MDC Alliance ichaita zvese zvainokwanisa kugadzirisa zvinhu munyika, kusanganisira kupinda mumigwagwa, kuitira kuti vanhu vasarambe vachimbunyikidzwa, kuputsirwa dzimba, kudzingwa pavanogara kana kubirwa sarudzo.

Asi vati MDC Alliance ichaita zvirongwa zvayo zvese murunyararo kudzamara yatora masimba.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG