Accessibility links

Breaking News

Kuvhurwa kweZvikoro Kuchanetsa Rwendo Rwuno


Kuvhurwa kwezvikoro kunogona kusafamba sezviri kutarisirwa mushure mekunge masangano akawanda anomirira varairidzi azivisa kuti nhengo dzawo dzakawanda dzichatadza kudzokera kumabasa nekuda kwekushaiwa mari dzekufambisa.

Varairidzi vari kuda kuti hurumende idzosere mihoro yavo pamari dzavaitambira muna 2018, uye kuti nyaya dzehutano hwavo dzigadziriswe maringe nekudzivirirwa kubva kuCovid-19.

Varairidzi vanodzidzisa zvidzidzo zveGrdae 7, Form 4 neForm 6 vanofanirwa kunge vadzokera kumabasa avo nhasi vachigadzirira kuvhurwa kwezvikoro muchikamu chekutanga nemusi weMuvhuro svondo rinouya. Studio 7 yakundikana kunzwa divi rehurumende panyaya iyi. Asi mukupera kwesvondo hurumende yakazivisa kuti varairidzi vose vanoda kubaiwa nhomba vachabaiwa kana zvikoro zvavhurwa. Mutungamiri wesangano reProgressive Teachers’ Union of Zimbabwe, PTUZ, VaTakavafira Zhou, vanoti hapana chikoro chingavhurika kana zvichemo zvevashandi zvisati zvagadziriswa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi vakafanobata chigaro chemutauriri wesangano reZimbabwe Teachers Association, ZIMTA, VaGoodwill Taderera, vanotiwo sesangano, vanotarisira kuti hutano hwevarairidzi huiswe pamberi kunyanya, uye vari kugumburwa nehurongwa hwekuti varairidzi vadzokere kumabasa vasina mari.

VaTaderera vanoti sesangano vari kuda kuti musi wa 15 Kurume uchavhurwa zvikoro, usati wasvika, hurumende inofanirwa kutanga yavapa mari dzichaita kuti varairidzi vakwanise kudzokera kumabasa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, mubatanidzwa wemamwe masangano anomirira vashandi vehurumende, weZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions, uyo waimbozivikana seApex Council, nezuro wakanyorerawo gurukota rinoona nezvevashandi vehurumende tsamba richipa hurumende mazuva manomwe kubva nezuro ekuti inge yagadzirisa zvichemo zvevashandi zvemihoro yavo, kukundikana kwayo vashandi vanozozivisa nezvehurongwa hwekuramwa mabasa.

Gwaro rinoti hurumende iri kukundikana kushevedzera musangano weNational Joint Negotiating Council, uyo waifanirwa kunge wakaitwa muna Ndira wegore rino sezvakanga zvabvumirwa pamusangano wakapedzisira kuitwa muna Zvita, wekuti hurumende idzosere mihoro yevashandioo pamari dzavaitambira muna Gumiguru 2018.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG