Accessibility links

Breaking News

Mthwakazi Republic Party Inoti Nhengo Dzayo Shanu Dzakuvadzwa neZvombo zveMapurisa muBulawayo


VaMqondisi Moyo veMthwakazi Republic Party
VaMqondisi Moyo veMthwakazi Republic Party

Mapurisa aridza pfuti akakuvadza pamwe nekasunga vanhu vane chitsama mushure mekunge nhengo dzeMthwakazi Republic Party, MRP, dzaratidzira panze peBukawayo Police Central nhasi mangwanani.

Paita bararamhanya panze peBulawayo Central Police Station nhasi
mangwanani mushure mekunge mapurisa aridza pfuti achimhanyisana
nevamwe vatsigiri vebato reMRP.

Vatsigiri veMRP ava vanonzi vange vauya kuzoratidzira kusafara kwavo
nekwavati kushungurudzwa nemapurisa kwemutungamiri webato ravo,
VaMqondisi Moyo, avo vanonzi vakasvikirwa kumba kwavo pakati pehusiku
nezuro nemapurisa nevechiuto vachida kuvasunga.

Mumwe wevanhu vaona zvaitika mutori wenhau Pamenus Tuso audza Studio 7 kuti vatsigiri veMRP vanoda kusvika makumi maviri vauya paCentral Police Station vari murhori diki vakatanga kuimba kwechinguva asi mapurisa azovadzinga mushure mekunge vatanga kuita mhirizhonga.

VaMoyo vaudza Studio 7 kuti pane vatsigiri vebato ravo gumi vasungwa nemapurisa uye vamwe vashanu vakuvara mushure mekunge vapfurwa.

Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa mudunhu reBulawayo, Assistant
Inspector Nomalanga Msebele, vaudza Studio 7 parunhare kuti hapana
zvavange vachikwanisa kutaura pamusoro penyaya iyi sezvo vange
vaendesa gwaro rezvaitika kumuzinda wemapurisa kuHarare.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kumutauriri wemapurisa, Assistant
Commissioner Paul Nyathi, sezvo nharembozha yavo yange isingabatiki.

Nemusi weMuvhuro dzimwe nhengo dzeMRP dzakapindira pagakava rerimwe purazi riri kuNtabazinduna iro riri pakati pemumwe murimi wechichena, VaBrian Davies, nemumwe waimbove mushandi wavo VaFloyd Ambrose.

Dare reHigh Court rakapa mutongo wekuti VaDavies ndivo vanofanirwa
kuve muridzi wepurazi iri asi VaAmabrose vari kuramba kubva papurazi
iri.

Ambrose anonzi ane hukama nevaimbove mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaKembo Mohadi, avo vakasiya basa mushure mekufumurwa nenyaya dzehupombwe dzavanonzi vaiita nemadzimai echidiki, kusanganisira madzimai akaroorwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG