Musangano weNational Joint Negotiating Council waitwa nhasi pakati pehurumende nevashandi wayo wapera pasina kuwirirana.
Bato rinopikisa reMDC Alliance rinoti zviri kuitwa neZanu PF zviri pachena kuti bato iri riri kuyedza kuripondera musagi sekiti kuitira kuti ritadze kukwikwidza musarudzo dza2023.
Komisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission, kana kuti ZEC, yatangisa zvakare hurongwa hwekunyoresa kwevanhu sevavhoti mumatunhu ose emunyika, mushure mekunge komisheni iyi yambomira kuita mabasa ayo nekuda kwechirwere cheCovid-19.
Sangano ravanachiremba vevana vadiki muAmerica re American Academy of Pediatrics, rinoti huwandu hwevana vari kubatwa nechirwere cheCovid-19 muAmerica hwakakwira kwesvondo yepiri mushure mekunge vana vanodarika zviuru makumi matanhatu nezvina vakawanikwa vaine chirwere ichi svondo rapera.
Nhengo ye MDC Alliance National Executive Council, VaMakomborero Haruzivishe, vakawanikwa nezuro vaine mhosva yekukuridzira mhirizhonga uye kuramba kuteerera zvaitaurwa nemapurisa.
Vanhu vakawanda vari kuita maonero akasiyana padanho rakatorwa nehurumende rekurambidza veruzhinji kufamba nzendo vachishanyira hama neshamwari pazororo re Easter rinotanga musi weChishanu, senzira yekudzivirira kupararira kwedenda reCovid-19.
Mashoko anotevera anotaura pamire hurumende yeAmerica panyaya yekuremekedza madzimai anoratidza hushingi mukurwira kodzero dzevanhu.
Hurumende nemusi weChina iri kutarisirwa kuita musangano nevashandi vayo vari pasi pesangano reZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions raimbozivikanwa nekuti Apex Council.
Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika pamwe nevashanyi vachada kupinda munyika munguva yezororo reEaster vanonzi vanofanirwa kuve nemagwaro anoratidza kuti vakavhenekwa chirwere cheCovid-19 pachishandiswa mushina wePCR.
Mutauriri webazi rezvedzidzo, VaTaungana Ndoro, vaudza Studio 7 kuti izvi zvakabvumiranwa nemakurukota edare rehurumende nezuro, Chipiri, vachiti inzira yekudzivirira kupararira kwechirwere che Covid-19.
Mutungamiri weZCTU, VaPeter Mutasa, vanoti nekuda kwekuti vashandi vose vari kusangana nedambudziko rimwechete remihoro yavo, vakaona zvakakosha kuti vaise musoro pamwe kuitira kuti vakawirirana vozonge votaura nezwi rimwechete.
Bazi re State Department rinoti hurumende mu Zimbabwe inouraya vanhu pamusoro pezvamatongerwo enyika, inotsakatikisa vanhu, kutocha vanhu nekusabata vasungwa zvakanaka. Gwaro iri rinoshoravo majeri emunyika, pamwe chete ne kushora mabatirwo anoitwa ngochani mu Zimbabwe.
Rodhai zvimwe