Vanhu vakawanda vari kuita maonero akasiyana padanho rakatorwa nehurumende rekurambidza veruzhinji kufamba nzendo vachishanyira hama neshamwari pazororo re Easter rinotanga musi weChishanu, senzira yekudzivirira kupararira kwedenda reCovid-19.
Mashoko anotevera anotaura pamire hurumende yeAmerica panyaya yekuremekedza madzimai anoratidza hushingi mukurwira kodzero dzevanhu.
Hurumende nemusi weChina iri kutarisirwa kuita musangano nevashandi vayo vari pasi pesangano reZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions raimbozivikanwa nekuti Apex Council.
Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika pamwe nevashanyi vachada kupinda munyika munguva yezororo reEaster vanonzi vanofanirwa kuve nemagwaro anoratidza kuti vakavhenekwa chirwere cheCovid-19 pachishandiswa mushina wePCR.
Mutauriri webazi rezvedzidzo, VaTaungana Ndoro, vaudza Studio 7 kuti izvi zvakabvumiranwa nemakurukota edare rehurumende nezuro, Chipiri, vachiti inzira yekudzivirira kupararira kwechirwere che Covid-19.
Mutungamiri weZCTU, VaPeter Mutasa, vanoti nekuda kwekuti vashandi vose vari kusangana nedambudziko rimwechete remihoro yavo, vakaona zvakakosha kuti vaise musoro pamwe kuitira kuti vakawirirana vozonge votaura nezwi rimwechete.
Bazi re State Department rinoti hurumende mu Zimbabwe inouraya vanhu pamusoro pezvamatongerwo enyika, inotsakatikisa vanhu, kutocha vanhu nekusabata vasungwa zvakanaka. Gwaro iri rinoshoravo majeri emunyika, pamwe chete ne kushora mabatirwo anoitwa ngochani mu Zimbabwe.
Zimbabwe National Statistics Agency kana kuti Zimstats inoti mumwedzi waNdira, 2021, Zimbabwe yakatengesa zvinhu kunze zvinodarika mamiriyoni makumi maviri nemasere kana kuti US$28 million asi iyo ikatenga zvinodarika mamiriyoni makumi mana nematanhatu kana kuti US$46 million
Musangano wakarongwa nesangano rinorwira kodzero dzemadzimai reJust Associates kana kuti JASS kwaMutare uri kuburitsa pachena kuti madzimai akawanda munyika ari kutyorerwa kodzero dzavo mudzimba uye kumabasa.
Sangano reWorld Food Programme rinoti riri kushanda nehurumende nemasangano akawanda kuti ribatsire vanhu vemuZimbabwe mushure mekunge pabuda gwaro rereZimbabwe vulnerability assessment kana kuti ZIMVAC richikokerwa neFood Nutrition Council rinoratidza kuti nzara yapfunya chisero munyika.
Mamwe masangano anomirira vagari munyika pamwe nemamwe masangano anorwira kodzero dzevanhu ari kukururidzira sangano reZimbabwe Electoral Commission kana kuti ZEC , kuti riite sarudzo dzemaby-elections.
Hurumende yeZimbabwe yatambira nhomba yerudzi rweSinovac inosvika miriyoni imwechete nezviuru makumi mashanu nezvitanhatu, kana kuti 1 056 000, iyo yakatengwa nehurumende kubva kuChina sehurongwa hwekudzivirira kupararira kwedenda re Covid-19 munyika.
Rodhai zvimwe