Accessibility links

Breaking News

VaItai Dzamara Vanosvitsa Makore Matanhatu Vasingazivikanwe Kuti Vari Kupi


Itai Dzamara
Itai Dzamara

Murwiri wekodzero dzevanhu akapambwa akatsakatika makore matanhatu apfuura, VaItai Dzamara, varangararirwa nhasi mhuri yavo ichiti iri kunetseka zvikuru nekutsakatika kwavo.

Mudzimai waVaDzamara, Amai Sheffra Dzamara, vaudza Studio 7 kuti vanorwadzikana zvikuru nekureba kwenguva vasina ruzivo rwekuti zvii zvakaitika kumurume wavo.

Amai Dzamara vati kunyange hazvo matare akati mapurisa atsvage VaDzamara, hapana zvavati vanzwa kubva kuhurumende.

Vatiwo vanoshushikana nekuti hurumende haisi kuratidza kana chido chekuongorora nyaya yekushaikwa kwemurume wavo.

Mumwe wevanhu vairatidzira muAfrica Unity Square naVaDzamara, VaCharles Nyoni, vatiwo vanonetsekana kuti zvakataurwa nematare zvekuti mhuri yekwaDzamara inge ichiziviswa nezvehurongwa hwekuvatsvaka. Hazvisi kuzadziswa nemapurisa.

Vachitaura pamusangano wakokerwa neZimbabwe Human Rights NGO Forum, varwiri vekodzero dzevanhu vati vanoda kuti hurumende ikoshese tsvagiridzo yekuti chii chakaitika kuna VaDzamara.

Gweta rinoshanda neZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaBlessing Nyamaropa, vaudza Studio7 kuti hurumende ndiyo ine masimba ekuchengetedza munhu wese munyika, nekudaro, inofanirwa kubudisa pachena kuti chii chakaitika kuna VaDzamara muna 2015.

VaNyamaropa vabvumawo kuti pari zvino hapana ruzivo rwuri kupiwa magweta nemapurisa mukuferefeta kuti chii chakaitika kuna VaDzamara.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kubva kudivi rehurumende sezvo patafonera gurukota rezvekubudiswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vanzi vanga vari mumusangano kusvika panguva dzataenda pamhepo.

Hatina kukwanisa kunzwawo kubva kumutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, sezvo nharembozha yavo yanga ichinetsa kubata.

VaDzamara vakapambwa mumusha weGlen View musi wa 9 Kurume 2015 vachida kugerwa musoro wavo.

VaDzamara vakasiya basa rekutora nhau vakatanga kuratidzira muAfrica Unity Square vachikurudzira vaimbove mutungamiriri wenyika, mushakabvu Robert Mugabe, kuti vasiye basa.

Kubva musi wavapambwa kusvaika pari zvino, hapana anoziva zvakaitika kwavari.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG