Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoumba Chikwata Chichaongorora Mashandiro eNhomba yeCovid-19


Mutewedzeri wemutungamiri wenyika vari zvakare gurukota rezvehutano, VaConstantino Chiwenga vachibaiwa nhomba yeCovid-19.
Mutewedzeri wemutungamiri wenyika vari zvakare gurukota rezvehutano, VaConstantino Chiwenga vachibaiwa nhomba yeCovid-19.

Bazi rezvekuburitswa kwemashoko razivisa kuti hurumende yaumba chikwata chenyanzvi dzinobva kumapoka akasiyanasiyana chichange chichiongorora mashandiro enhomba iri kubaiwa vanhu iyi, yeSinopharm, iyo yakabva kuChina.

Zvichaburitswa nechikwata ichi ndizvo zvinonzi zvichanongedza kuchaenda chirongwa chekubaya nyika yose nhomba munguva dzose.

Izvi zvinouya panguva iyo bazi rezvehutano rakazivisa neMuvhuro kuti vanhu zviuru makumi matatu nezvishanu nemazana mashanu negumi nevasere vainge vabayiwa nhomba yeCovid-19 muchikamu chekutanga chekubaya nhomba vanhu munyika.

Pahuwandu uhwu, vashandi zviuru zvitatu nemazana maviri ane makumi manomwe nevasere, kana kuti 3 278, vakabaiwa nhomba iyi Muvhuro wakare.

Mukuru anoona nezvekurwisana neCovid-19, Dr. Agnes Mahomva, vanoti kunyange hazvo chirongwa chekubaya nhomba chakatanga zvisina mutsindo sezvakangoitikawo pasi rose, iye zvino chave kufamba zvakanaka chose.

Dr. Mahomva vanoti kunyange hazvo vanhu vaimbotya kubaiwa nhomba iyi, kubva pakabaiwa nhmbo iyi mutewedzeri wemutungamiri wenyika uye vari gurukota rezvehutano, VaConstantino Chiwenga, vakawanda vave kunyevenuka vachisunungukawo kuibaiwa.

Panyaya yekuti hurumende haisi kushambadza zvakakwana nhomba yeSinopharm, Dr. Mahomva vanoti ivo vanotungamidza mberi zvinenge zvichibva kunyanzvi dzezve Science, vachiti dai chirongwa ichi changa chisiri kushamba dzwa vangadai vachiwana vanhu vashoma varii kubaiwa, asi huwandu hwevanhu huri kutokwira, kuratidza kuratidza kuti zviri kutambirwa.

Kunyange hazvo vasina kuda kuzvipira kutaura kuti vashandi vangano vavanotarisira kubaya kuchikamu chekutanga chechirongwa ichi, Dr. Mahomva vanoti pane vashandi vakawanda vanosanganisira vamwe vakasiya mabasa.

Zimbabwe yakapiwa nhomba inokwanisa kubaya vanhu zana rezviuru neChina kubva panhomba zviuru mazana maviri sezvo munhu mumwe chete achishandisa nhomba mbiri.

Hurumende inoti iri kutarisira kuwana imwe nhomba kubva kunyika iyi pamwe nedzimwe nyika dzinosanganisira India.

Hurukuro naDr. Agnes Mahomva
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi mukuru wesangano rinoshanda neveruzhinji munyaya dzehutano, reCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike, vanoti kushomeka kwevanhu vari kutambira nhomba iyi kunoratidza kuti hapana chivimbo chakadzama pamusoro penhomba iyi.

VaRusike vanoti chinofanirwa kuitwa nehurumende kushambadza zvakasimba nhomba iyi ichishanda nemapoka ose anoshanda neveruzhinji.

Hurukuro naVaItai Rusike
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, bazi rezvehutano rakazivisawo neMuvhuro kuti vanhu vaviri vakafa nechirwere cheCovid-19, uye vanhu gumi nevasere vakawanikwa vaine chirwere ichi neMuvhuro wakare.

Izvi zvakasiya huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi nyika yose hwave pazviuru makumi matatu netanhatu zvine mazana maviri nemakumi masere nevapfumbamwe, kana kuti 36 289.

Vanhu vafa nechirwere cheCovid-19 vakasvika pachiuru nemazana mana ane makumi masere nevanomwe, kana kuti 1 487, kuchitiwo vanhu vakapona kubva muchirwere kusvika nezuro vakanga vave zviuru makumi matatu nezvitatu zvine mazana masere nemakumi manomwe nevaviri, kana kuti 33 872.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG