Accessibility links

Breaking News

Dare raVaMubako Ronzwa Nyaya Iri Kupomerwa Amai Ndewere


High Court Zimbabwe

Dare revanhu vatatu, kana kuti Tribunal, rekutonga mutongi wedare repamusoro, Justice Erica Ndewere, rakatanga nezuro mangwanani kuzeya nyaya iyi.

Dare iri riri kutungamirwa nevaimbove mutongi wedare repamusoro, Justice Simbi Mubako.

Justice Ndewere vari kupomerwa mhosva yekukundikana kuita basa.

Asi Amai Ndewere, avo vari kumiririrwa negweta rinorwira kodzero dzevanhu, Amai Beatrice Mtetwa, nezuro vakatanga nekupomera mukuru wevatongi vematare, Justice Luke Malaba, mhosva yekutyora kodzero dzavo mushure mekunge varamba kutevedzera zvavanoti zvaityora bumbiro remitemo renyika zvavainzi vaite naVaMalaba.

Asi vachitaura mudare reparamende, gurukota rezvemutemo, VaZiyambi Ziyambi, vakaramba mashoko ekuti VaMalaba vari kupindira munyaya dzekutongwa kwenyaya munyika vachiti bumbiro remutemo rinoti matare akazvimirira.

Mukuzeya nyaya iyi, Blessing Zulu weStudio 7 abata gweta rinorwira kodzero dzevanhu vachitungamira sangano reHuman Rights Watch VaDewa Mavhinga kuti tinzwe nezvedare riri kutonga Amai Ndewere iri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG