Accessibility links

Breaking News

Zviri Kuitika muAmerica

Huwandu hweVana Vari Kuda Kupinda muAmerica Vachirambidzwa Hwawanda Zvikuru

Vana vanobva kuCentral America varikutsvaka hupoteri muAmerica
Vana vanobva kuCentral America varikutsvaka hupoteri muAmerica

Huwandu hwevana vari kusvika pamuganhu weAmerica neMexico vari vega huri kukwira zuva nezuva, izvo zvave kukonzera kuti vamwe vati pava nedambudziko guru.

Asi hurumende yaVaJoe Biden inoti hapasati pave nedambudziko.

Mutauro pamusoro pezvekuita nevabvakure wave nemakore anopfuura makumi maviri pasina chakabuda kunyange hazvo mapato maviri, eDemocratic Party neRepublican Party, achiwirirana kuti pane zvinofanirwa kugadziriswa.

Mazana nemazana evana vasina vakuru vanovaperekedza ari kusvika zuva nezuva pamuganhu weAmerica neMexico vachida kupinda muAmerica.

Vachitaura panhepfenyuro yeABC News svondo rino, VaBiden vakakurudzira vari munyika dziri kuchamhembe kweAmerica kuti vasauya kuAmerica panguva ino, asi vana vanopfuura zviuru gumi nezvitatu (13,000) vave pamugano uyu.

Nhengo yebhodhi reAfrican Immigrant Caucus, Doctor Isaac Mwase, vanoti kubva pachigaro kwakaita VaDonald Trump, pachipinda VaBiden kwakapa vanhu venyika dziri kuchamhembe kweAmerica kurudziro yekuuya kuAmerica vaine chivimbo chekuti VaBiden vane hany’a nevabvakure uye vanovabata zvakanaka kupfuura zvaiitwa naVaTrump.

Vanoti vazhinji vebato raVaBiden vave kutya kuti nyaya yevabvakure ichakanganisa zvirongwa zvebato iri pamwe chete nezvehurumende.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


See all News Updates of the Day

Vamwe Vanoongorora zveMatongerwo eNyika Vanoti Kubuda kwaVaBiden muSarudzo Hakurevi Kuti Amai Harris Vachangopinda Nyore

Amai Kamala Harris naVa Joe Biden
Amai Kamala Harris naVa Joe Biden

Muchirongwa chedu chatinotarisa zviri kuitika muAmerica, tiri kutarisa kubuda kwaVaJoe Biden neSvondo mukukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika ichaitwa muAmerica muna Mbudzi wegore rino.

VaBiden vakabva vazivisawo kuti vave kuisa rutsigiro rwavo kumutevedzeri wavo, Amai Kamala Harris, kuti vave ivo vanozomirira Democratic Party musarudzo kana vakazobudirira kudomwa nenhengo dzebato ravo kugungano ravo kana kuti convention muna Nyamavhuvhu.

Nyanzvi yezvekudyidzana kwenyika dzapasi rose vachidzidzisa pachikoro chepamusorosoro cheDevry University kuOhio muAmerica, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti vanoona sekuti VaBiden vakatora danho rakanaka nekuti ndivo vanoziva muviri wavo nehutano hwavo kuti vanokwanisa zvipi uye havachagoni zvipi.

Muzvinafundo Masocha vanotiwo hazvirevi kuti VaBiden zvavasisakwikwidzi musarudzo, Amai Harris vanobva vangotora chimuti, vachiti panofanirwa kutevedzerwa gwara rebato ravo vachikwikwidzana nevamwe vangadaro vachidawo kumirira bato iri musarudzo yemutungamiri wenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Masachigaro Ose eBato remaDemocrat muAmerica Otsigira Amai Kamala Harris Kuti Vave Ivo Vanokwikwidza muSarudzo yeMutungamiri weNyika

Mutewedzeri wemutungamiri wenyika yeAmerica Amai Kamala Harris.
Mutewedzeri wemutungamiri wenyika yeAmerica Amai Kamala Harris.

Zvichitevera kuziviswa kwaitwa nemutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, kuti vari kutsigira mutewedzeri wavo, Amai Kamala Harris kuti vatore chinzvimbo chavo mumakwikwi ekurwira chigaro chemutungamiri wenyika musarudzo dziriko muna Mbudzi wegore rino, masachigaro eDemocratic Party mumatunhu makumi mashanu ose eAmerica anonzi abva atsigirawo Amai Harris.

Nhepfenyuro yeCNBC yati mari dziri kubviswa nevatsigiri vebato iri pamwe nevanopa rubatsiro dzekubatsira Amai Harris dzinonzi dziri kuwanda kubva zvaziviswa naVaBiden kuti vakuba musarudzo, mushure mekunge vamwe vevaimbobatsira VaBiden nemari yekutsvagisa rutsigiro vakanga vasunga homwe dzavo.

Vachiisa rutsigiro rwavo kuna Amai Harris, VaBiden vanonzi vati Amai Harris vanga vari munhu anoshandika zvakanaka naye uye vari kuisa rutsigiro rwavo rwose pavari kuti vamirire bato musarudzo yemutungamiri wenyika gore rino.

VaBiden vazivisa kuti vachataura kuruzhinji rwenyika yavo mukati mesvondo rino pamusoro pedanho ravo iri.

Muzinda weWhite House wazivisa kuti VaBiden vataura nenhengo dzedare reCongress dzine chitsama, magavhuna, nevatsigiri, uye vacharamba vachitaura nevane chekuita nenyaya iyi husiku hweSvondo uye neMuvhuro.

Amai Harris, avo vane makore makumi mashanu nemapfumbamwe ekuberekwa, havana kunonoka kuzivisa kuti vachatsvaga rutsigiro rwekuti vadomwe kuti vamirire bato ravo remaDemocrats musarudzo.

Amai Harris vaive seneta vedunhu rine vanhu vakawandisa muAmerica, reCalifornia, panguva yavakadomwa naVaBiden kuti vave mutewedzeri wavo mumakwikwi emutungamiri wenyika muna 2020 mushure mekunge VaBiden vabudirira mumakwikwi enhengo dzebato iri dzairwira kumirira bato musarudzo.

Amai Harris vati vachaita zvose zvavanokwanisa kubatanidza bato remaDemocrats, kubatanidza nyika nekukunda VaDonald Trump musarudzo.

Vati kwasara mazuva zana nemanomwe kusvika kuzuva resarudzo, vachiti vacharwa pamwechete uye vachakunda pamwechete.

Mushure mekuzivisa kwaVaBiden kuti vabuda musarudzo, vari kukwikwidza vakamirira bato remaRepublican musarudzo yemutungamiri wenyika, VaDonald Trump havana kutora nguva kutsoropodza vose VaBiden naAmai Harris.

Vachinyora padandemutande, VaTrump vati VaBiden vanga vasina kukodzera kukwikwidza pachigaro chemutungamiri wenyika, vachitiwo Amai Harris havana kusiyana naVaBiden.

VaTrump vaudza nhepfenyuro yeCNN kuti Amai Harris vari nyore kukunda musarudzo pana VaJoe Biden.

Vamwe mubato remaRepublican vanonzi vave kukurudzira VaBiden kuti vasiye chigaro chekutungamira nyika.

Mutungamiri weNyika yeAmerica, VaJoe Biden, Vanobuda muMakwikwi eSarudzo Vachitsigira Amai Kamala Harris kuti Vatore Chinzvimbo Chavo

Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden nemutewedzeri wavo, Amai Kamala Harris.
Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden nemutewedzeri wavo, Amai Kamala Harris.

Mutungamiri wenyika yeAmerica, VaJoe Biden, vazivisa neSvondo kuti vave kubuda mukukwikwidza vakamirira bato ravo remaDemocrats musarudzo yemutungamiri wenyika iyi iri kuitwa muna Mbudzi wegore rino.

Izvi zvinotevera kurudziro yevamwe mubato ravo iyo yanga yawandisa yevanga vachiti VaBiden vabude musarudzo zvichitevera kutatarika kwavakaita pagakava ravakaita nevari kumirira bato remaRepublican musarudzo iyi, VaDonald Trump, musi wa 27 Chikumi.

Kubuda musarudzo kwaVaBiden uku kuri kuuya kwasara mwedzi mina chete kuti sarudzo iyi iitwe.

VaBiden vanonzi vabva vazivisa kuti vari kutsigira mutewedzeri wavo, Amai Kamala Harris, kuti vave ivo vachakwikwidzana naVaTrump musarudzo yemutungamiri wenyika iyi.

VaBiden vati vane hurongwa hwekupedzisa nguva yavo yekutungamira nyika yasara, iyo inopera musi wa 20 Ndira, 2025.

Vachinyora padandemutande ravo re"X” iro raimbonzi Twitter, VaBiden vati, “Rwanga rwuri ruremekedzo rwangu rwehupenyu hwese kwekuti ndikushandireyi semutungamiri wenyu.

"Uye kunyange hazvo hwanga huri hurongwa hwangu hwekuti nditsvage kusarudzwa zvakare, ndinofunga kuti zvakanakira bato rangu nenyika kuti ndibude musarudzo ndonangana nekuzadzisa mabasa angu semutungamiri wenyika kwenguva yangu yasara.”

Hazvisati zvazivikanwa kuti vanga vachiti VaBiden vabude musarudzo iyi vachatambira here kutsigirwa kwaAmai Harris naVabiden uku.

Gungano reDemocratic National Convention rekudoma zviri pamutemo achakwikwidza akamirira bato iri musarudzo yemutungamiri wenyika richaitwa kuChicago mudunhu reIllinois kubva musi wa 19 kusvika musi wa 22 Nyamavhuvhu 2024.

Nhengo dzeBato reRepublican muAmerica Dzoungana neMuvhuro muMilwaukee Kudoma Zviri paMutemo Achamirira Bato muSarudzo yeMutungamiri weNyika

Vachamirira bato reRepublican musarudzo yemutungamiri wenyika, VaDonald Trump.
Vachamirira bato reRepublican musarudzo yemutungamiri wenyika, VaDonald Trump.

Gungano rebato remaRepublican muAmerica, kana kuti Republican National Convention, riri kutanga neMuvhuro uno mudunhu reMilwaukee apo pachadomwa zviri pamutemo VaDonald Trump semunhu achamirira bato iri musarudzo yemutungamiri wenyika ichaitwa muna Mbudzi gore rino.

Pamusangano uyu, uyo uchaitwa kwemazuva mana kusvika musi weChina, ndipowo pachasarudzwa munhu achatewedzera VaTrump musarudzo, kana kuti running mate.

Izvi zviri kuuya zuva rimwe chete VaTrump vapfurwa muchiitiko chekuedza kuvauraya chakaitika mudunhu rePennsylvania neMugovera.

Vanoongorora zvematongerwo enyika uye vakambove sachigaro webato reZanu PF mudunhu reNorth America, Dr. Frenk Guni, vanoti vanoona sekunge gungano iri richangosimbisa humiriri hwaVaTrump pachitariswa chiitiko cheMugovera ichi.

Dr. Guni vanotiwo vanoona sekunge VaTrump vachangonzi vasarudze munhu wavanoda kushanda naye zvineyi nekuti chii chaachaunza musarudzo iyi sezvinombotariswa mune mimwe misangano yadai.

Asi vanoti pachapera musangano uyu vanoona sekuti mapato maviri makuru anokwikwidzana aya anoti reDemoctratic neRepublican achange achi nakurirana nyoka mhenyu pamusoro pekupfurwa kwaVaTrump.

Nhengo zviuru zveviri nemazana maza ndidzo dzinotarisirwa kupinda mumusangano uyu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaBiden naVaTrump Vodzoka muKutsvaga Rutsigiro Mushure meGakava

VaJoe Biden naVaDonald Trump
VaJoe Biden naVaDonald Trump

Vari kukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika muAmerica, VaJoe Biden naVaDonald Trump vadzoka mukutsvaga rutsigiro zvichitevera gakava ravo rekutanga svondo rapera.

Kutatarika pane dzimwe nguva kwaVaBiden mugakava iri kwaita kuti dzimwe nhengo dzebato ravo dzitange kutsvaga kuti ndiyani angavatsiva achimirira bato ravo musarudzo.

VaDonald Trump vebato reRepublican naVaJoe Biden vebato reDemocrats vakadzoka mukutsvaga rutsigiro zvichitevera gakava rekutanga resvondo rapera, VaBiden vachitarisira kusimbisa vatsigiri vavo kuti vakagadzirira kutonga kweimwe mamwe makore mana zvichitevera kusaita kwavo zvakanaka mugakava iri.

VaBiden vakati, “Ndinokuvimbisai neshoko rangu saBiden, ndingadai ndisiri kukwikwidza zvakare dai ndanga ndisingatendi nemwoyo wangu wese nemweya wangu. Ndinokwanisa kuita basa iri zvechokwadi, zvatiri kurwira zvakanyanya kukura.”

Hurongwa hwaVaBiden hwekuunganidza mari yekushandisa musarudzo hwemukupera kwesvondo wakave mumwe mukana wechikwata chavo kupikisa kushushikana kuri mune dzimwe nhengo dze Democratic Party dziri kuti kukundikana kwavo mugakava kunoreva kuti dzinofanirwa kutsvaga mumwe achamirira bato mutsva.

Mukuru wechikamu chezvematongerwo enyika, cheCenter for Politics, paUniversity of Virginia, VaLarry Sabato vanoti, “Dai panga paine mutsva, ane simba, wechidiki ari kumirira bato reDemocratic, ndinofunga kuti vanhu vaitora mukana uyu munguva isipi kudzivirira VaTrump kunze.”

VaTrump vakati gakava iri rakaratidza kuti sarudzo dzegore rino isarudzo pakati pesimba nehutera.

VaTrump vakati, “Mubvunzo unofanirwa kunge wese achavhota achizvibvunza nhasi hausi wekuti Joe Biden anopona here maminitsi makumi mapfumbamwe ekukakavara, asi wekuti America inopona here mamwe makore mana aJoe Biden asina kutwasuka ari mumuzinda weWhite House.”

VaTrump vakaudza musangano wekutsvaga rutsigiro kuti vanofunga VaBiden vacharamba vachikwikwidza sarudzo.

“Vanhu vakawanda vari kuti zvichitevera gakava remanheru adarika Joe Biden ari kubuda kumakwikwi. Asi chokwadi chiripo ndechekuti, handinyatsotenda hangu mazviri nekuti anokunda vamwe vose musarudzo vebato reDemocrats vavari kutaura nezvavo.”

Vamwe vemubato reDemocrats vari kutaurwa mubato iri kuti vangangotsiva vaBiden ndevari kuvatevedzera musarudzo vari mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Kamala Harris, gavhuna wedunhu risina bato ringanzi ndiro rinokunda reMuchigan VaGretchen Whitmer, gavhuna weCalifornia VaGavin Newsom, Gavhuna weKentucky VaAndy Beshear, nagavhuna weIllionis VaJ. B. Pritzker.

Panhengo dzeDemocratic Party idzodzo hapana ari kuti anoda kutsiva VaBiden. Kuchinja vari kukwikwidza pamberi pegungano rebato ravo muna Nyamavhuvhu kunoda VaBiden vabuda mukukwikwidza.

VaSabato veku University of Virginia vanoti, “Vanofanirwa kutoenda kuWhite House vonoedza kuvaonesa (VaBiden) kuti vabude mukukwikwidza, uye vanogona kunetsa kugutsikana nazvo. Uye vanofanirwa zvakare kugutsa Jill Biden. Uye izvi zvinogona kutooma zvakanyanya.”

Mudzimai wemutungamiri wenyika vakaudza musangano wakaitwa mushure megakava kuti murume wavo ndiye munhu akakodzera muAmerica kudarika vamwe vose.

Amai Biden vakati, “Zvamakaona manheru adarika pagakava aive Joe Biden, mutungamiri ane kuvimbika uye hunhu akataura chokwadi. Uye Donald Trump akataura manyepo mushure memanyepo nemanyepo.”

Zvakabuda musarudzo mushure megakava dzakaitwa neCBS News zvinoratidza kuti maDemocrats anovimba kuti VaBiden vanofanirwa kuramba vari munhu ari kumirira bato musarudzo.

Magungano (conventions) emapato ezvematongerwo enyika ndiwo ane basa kune vanovhota kudarika makaka, sekutaura kwemudzidzisi wezvematongerwo enyika paMarquette University, Muzvinafundo Julia Azari.

“Tsvakurudzo dzemhando yepamusorosoro dzenzira dzechizvinozvino mune zvematongerwo enyika pamusoro pekuti ndezvipi zvinoita kuti munhu avhote uye zvichiita sezvinoenderera mberi kuratidza mavhotero evanhu muna Mbudzi dzinoratidza kuti magungano ane basa, asi makakava haana.”

Chikwata chiri kutsvagira VaBiden rutsigiro chakaita musangano weparunhare nenhengo dzeDemocratic National Committee mushure megakava pamusoro pegungano riri kuuya muna Nyamavhuvhu.

Dzimwe nhengo dzekomiti dzakapinda mumusangano wepanhare uyu dzakaudza sangano renhau reAssociated Press kuti musangano uyu wakanyanya kutarisa nzira yaVaBiden yekuti vasarudzwe zvakare uye hauna kuita hany’a nekushoropodzwa kwemabatiro avakaita gakava.

Nyaya iyi maipiwa nemutori wenhau weVOA News, Scott Stearns, makaiverengerwa naJonga Kandemiiri weVOA Studio 7.

Rodhai zvimwe

XS
SM
MD
LG