Accessibility links

Breaking News

VaConstantino Chiwenga Vanobayiwa Imwe Nhombo yeCovid-19 Veruzhinji Vachiona


File photo

Vanhu vatanga kubayiwa nhasi nhomba yechipiri munyika zvichitevera kupinda munyika kwenhomba zviuru mazana mana nemusi weChipiri.

Sezvakaitika pakutanga, mutevedzeri wemutungamiri wenyika uye vari gurukota rezvehutano, VaConstantino Chiwenga, vabayiwa nhomba yechipiri nhasi muHarare veruzhinji vachiona.

VaChiwenga vabayiwa nhomba yechipiri pachipatara cheWilkins muHarare
nhasi mangwanani.

Vachitaura mushure mekubayiwa nhomba iyi, VaChiwenga vati hurumende yakazvipira kuzivisa veruzhinji nezvekubayiwa nhomba senzira yekurwisa chirwere cheCovid-19.

Chiremba ari kuyamura kurwisa chiwere cheCovid-19 mudunhu
reMashonaland West, Dr Paradzai Mudzengerere, vati chinhu chakanaka
chiri kuita VaChiwenga kubayiwa nhomba dzose pajekerere senzira
yekukurudzira vanhu munyika kuti vabayiwewo nhomba yeCovid-19.

Dr Mudzengerere vati zvakakosha kubayiwa nhomba yechipiri sezvo
jekiseni rekutanga risina kukwana mukurwisa chirwere cheCovid-19.

Dr Mudzengerere vati munhu anogona kubayiwa nhomba yepiri pane imwe nzvimbo yakasiyana nenzvimbo yaakabayiwa kekutanga kunyange hazvo zvisiri kukurudzirwa.

Mumwe akambobayiwa nhomba yekutanga, VaKudakwashe Kokanai, vati havana zvakaipa zvavakanzwa pavakabayiwa nhomba yekutanga mwedzi wakapera nekudaro vakagadzirira kubayiwa nhomba yechipiri.

Kunyange pasina kuziviswa huwandu hwevanhu vabayiwa nhomba yechipiri nhasi, bazi rezvehutano rakazivisa nezuro kuti vanhu vabayiwa nhomba yekutanga vave zviuru mazana matatu nezvipfumbamwe nemazana matanhatu nevanomwe kana kuti 39 607.

Zvichakadaro, mune imwewo nyaya ine chekuita nechirwere cheCovid-19, vanhu vana vanosanganisira mudzimai ane mwana ane mwedzi mitatu yekuberekwa, vanimwa mukana wekuti vabhadhare mari yechibatiso kuitira kuti vatongwe vachibva kumba pamhosva yavari kupomherwa yekupa magwaro emanyepo ekuti munhu haana Covid-19 iye asina kuongororwa.

Mutongi wedare muChinhoyi, Amai Gladmore Mushowe, vati nekuda kwekuti mhosva iri pomerwa vana ava ine chekuita nechirwere chanetsa pasi rose, vaona zvakakodzera kuti vasapihwe mukana wekubhadhara mari yechibatiso sezvo paine mukana wekuti vanogona kutiza sezvo mhosva yavari kupomerwa yakakura zvekuti vakabatwa nemhosva vanopihwamutongo wekugara mutirongo kwemakore akawanda.

Vana ava vanoti Kudzai Chishaya, Gumisai Chiroodza, Nelson Mashanga
naWedzerai Manyere vanzi vadzoke kudare musiwa 1 Kubvumbi apo
pachatongwa mhosva yavo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG