Accessibility links

Breaking News

Vadzidzi Voita Chipatapata Kunovhenekwa Chirwere cheCovid-19 Zvikoro Zvisati Zvavhurwa


Musikana wechikoro
Musikana wechikoro

Chipatara cheParirenyatwa chinoti huwandu wevana vemuzvikoro zvepasi nepamusoro vari kuvhenekwa Covid-19 pachipatara ichi huri kukwira zvichitevera chikumbiro chezvimwe zvikoro chekuti vana nezvikoro vanofanira kudzoka kuchikoro vaine magwaro anoratidza kuti vakaongororwa.

Chipatara cheParirenyatwa chinoti huwandu wevana vemuzvikoro zvepasi nepamusoro vari kuvhenekwa Covid-19 pachipatara ichi huri kukwira zvichitevera chikumbiro chezvimwe zvikoro chekuti vana nezvikoro vanofanira kudzoka kuchikoro vaine magwaro anoratidza kuti vakaongororwa.

Mushure mekunge zvimwe zvikoro zvazivisa kuti zvinoda kuti vadzidzi vadzoke kuchikoro vaine zvitupa zvinoratidza kuti vakavhenekwa hutachiwana hweCoronavirus, chipatara cheParirenyatwa nesangano reHighlife Foundation, vakatanga chirongwa chekuongorora vana vemuzvikoro izvi pamwe nekuvapa zvitupa izvi kana kuti maCovid-Test Certificates.

Pasi pechirongwa ichi, vadzidzi vanoenda kuParirenyatwa nemagwaro anoratidza kuti vadzidzi vobva vaongororwa pachena vobva vapihwa maCovid-Test Certificates.

Mukuru anoona nezveongoro iyi zvakare vari Chief Scientist pachipatara ichi, VaLloyd Bowora, vanoti chirongwa ichi chisati chatanga, paiongororwa vana vari pasi pemakumi matatu pazuva asi kubvira pavatanga chirongwa nemusi weMuvhuro, huwandu hwavo hwakwira kusvika pazana kana kudarika pazuva.

VaBowora vati kunyange hazvo vari kuvheneka vadzidzi vePrimary kusvika kuUniversity, vakawanda vari kuvhenekwa ndevemuzvikoro zvepamusoro.

Vati vanofara nezviri kuitika vachiti donzo rechirongwa chavo kukurudzira veruzhinji kuti vaongorerwe pamwe nekubayiwa nhomba yekudzvirira kupararira kweCovid-19.

Patavabvunza kuti vachapinda muzvikoro here vachivheneka vadzidzi, VaBowora vati hapana hurongwa hwakadaro asi vati kana nguva yacho yasvika vachazviita.

Munyori mukuru wesangano rinomirira vadzidzi reZimbabwe National Students Union, VaTapiwanashe Chiriga, vaudza Studio 7 kuti zviri kuitwa neHigherlife Foundation zvakanaka chose asi ongororo idzi dzinofanirra kuitwa muzvikoro.

Asi mutauriri webazi redzidzo yepasi, VaTaungana Ndoro, vati kunyange hazvo zvakanaka kuvhenekwa, hausi mutemo hwehurumende wekuti vana vavhenekwe vasati vapinda muzvikoro.

VaNdoro vati bazi ravo rakaisa hwaro hwekuti vana vadzokere chikoro vachitevedza zvese zvinodiwa neWorld Health Organisation pamwe nebazi rehutano.

Vana vese vechikoro vari kudzokera svondo rinouya kozotiwo zvimwe zvikoro zvepamusorosoro zviri kuvhurawosvondo rinouya

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG