Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Munyaya dzeHutano Dzoshushikana neHuwandu hweVanhu Vava Kubatwa neCovid-19


Dr Henry Madzorera

Huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere cheCovid-19 munyika hwave kukwira zvakare kunyange hazvo vanhu vave kubayiwa nhomba yekudzivirira chirwere ichi.

Huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere cheCovid-19 munyika hwave kukwira zvakare kunyange hazvo vanhu vave kubayiwa nhomba yekudzivirira chirwere ichi.

Huwandu hwevanhu vange vave kubatwa nechirwere cheCovid-19 hwange
hwadzika zvakanyanya kupera kwemwedzi wapera zvekuti pazuva painge
pave kubatwa vanhu vari pasi pemakumi mana ukuwo vange vachifa
vanga vave vashoma izvo zvakapa kuti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vavhure nyika iyo yainge yavharwa kubva muna Ndira.

Asi mumazuva mashoma apfuura vanhu vari kubatwa nechicherere ichi
vave kudarika makumi mana pazuva.

Chiremba ari kuyamura kurwiswa kwechirwere cheCovid-19 mudunhu
reMashonaland West, Dr Paradzai Mudzengerere, vanoti izvi hazvishamise
nekuda kwekuvhurwa kwenyika izvo zvave kuita kuti vanhu vafambefambe
zvakanyanya.

Asi Dr Mudzengerere vanoti kukwira kwehuwandu uhu ndekwechinguva
chidiki sezvo vanhu vave kubayiwa nhomba yekudzivirira chirwere cheCovid-19.

Izvi zvinotsigirwa nevaimbove gurukota rezvehutano muhurumende
yemubatanidzwa, Dr Henry Madzorera, avo vanoti vanhu vakawanda
havachatevedzeri mitemo yekudzivirira chirwere cheCovid-19 kubva
zvakavhurwa nyika.

Dr Madzorera vanoti hurumende inofanirwa kuramba ichikurudzira kuti
vanhu vaongororwe pamwe nekutsaura vose vanenge vabatwa nechirwere
cheCovid-19 sezvo chirwere ichi chisati chapera.

Mukuru weCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike, vanoti kubva zvanyevenutswa mitemo yekuvharwa kwenyika, vanhu havachatevedzeri mitemo yeCovid-19.

VaRusike vanoti vave kutyira kuti vanhu vakawanda vacharwara
nechirwere cheCovid-19 zvekuti zvipatara zvichatadza kuvayamura
vachiti vanofungidzira kuti chikero cheCovid-19 chakwira kudarika
pachakange chiri mwedzi yapera.

Mutauriri webazi rezvehutano, VaDonald Mujiri, vanoti vanhu vave kuvarairwa nokudaro vari kukurudzira veruzhinji kuti vatevedzere zvavari kukurudzirwa kuti vaite, uye kuti vaende kunobayiwa nhomba.

Bazi rezvehutano rakazivisa nezuro kuti vanhu makumi mana nemumwe chete vakabatwa nechirwere cheCovid-19 nezuro izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi nyika yose pazviuru makumi matatu nezvitanhatu nemazana matanhatu nemakumi mashanu nevaviri kana kuti 36 652.

Munhu mumwe chete akafawo nezuro wakare izvo zvasvitsa vanhu vafa kubva pakatanga chirwere ichi gore rapera pachiuru chimwe chete nemazana mashanu negumi kana kuti 1 510.

Vanhu vabayiwa nhomba kusvika kupera kwezuva rane zuro vave zviuru
makumi mana nechimwechete nemazana matanhatu nemakumi masere nevanomwe kana kuti 41 687

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG