Nyanzvi dzezvehutano dzinoti dziri kushushikana zvikuru nekushomeka kwevanhu vari kuzvipira kubaiwa nhomba yekudzvirira Covid-19 kunyange hazvo pave nezvirongwa zviviri zviri kufambiswa nguva imwe chete zvinoti Phase 1 ne Phase 2.
Nemusi weChina vanhu vanokwana mazana matatu nemakumi mapfumbamwe nevashanu, kana kuti 395, ndivo chete vakazvipira kubaiwa nhomba iyi, kuchitiwo nemusi weChitatu vanhu makumi mashanu nevanomwe, 57, ndivo bedzi vakabaiwa nyika yose.
Huwandu hwevanhu vabaiwa nhomba kubva patanga chirongwa ichi hwakasvika pazviuru makumi mana nevaviri, kana kuti 40 002.
Phase 1 yakanangana nekubayiwa kwevashandi vari mune zvehutano, mapurisa nemauto pamwe nevanoshanda kumiganhu yenyika, kuchitiwo Phase 2 ichinanganawo nekubayiwa kwevarairidzi, vashandi vemumahotera, vemakereke, pamwe nevakwegura.
Vashandi vezvehutano ndevamwe vanonzi havasi kuzvipira kubaiwa nhomba yekudzivirira Covid-19 yeSinoPharm yakabva kuChina iyi.
Hurumende yakazivisa kuti ine tarisiro yekubaya vanhu mamiriyoni gumi senzira yekudzivirira kutapuriranwa kwehutachiwana.
Asi mukuru weCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike, vanoti kana pakasave nedzidziso yakasimba chikamu chepiri chePhase chinogona zvakare kuita sechikamu chekutanga kushaya vanhu vanozvipira kunobayiwa.
VaRusike vanoti havaone hurumende ichisvika pamamiriyoni gumi, kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana zvevana veZimbabwe, zvainotarisira kuti zvichabaiwa nhomba iyi nyika yose kunze kwekunge yashanda zvakasimba nemasangano evashandi mukushambadza nhomba iyi kuti itambirike muvanhu.
Asi mutauriri webazi rezvehutano, VaDonald Mujiri, vaudza Studio 7 kuti zvirongwa zvekubaya vanhu nhomba zviri kufamba hazvo zvakanaka, uye vakaparurawo zvirongwa zvekukwezva veruzhinji kuti vabaiwe nhomba iyi, izvo zvave kuitawo kuti vashandi vari muboka rezvehutano vakawanda vatambire nhomba iyi.
Facebook Forum