Accessibility links

Breaking News

Magweta Anorwira Kodzero dzeVanhu Omira neVagari Vari Kuda Kutorerwa Minda Yavo neHurumende


Mr Obey Shava
Mr Obey Shava

Magweta anorwira kodzero dzevanhu anoti haasi kufara nedanho rakatorwa nehurumende rekushandura mutemo unobata minda yekumaruwa ichiisa minda iyi pasi peminda yehurumende kana kuti state land, kuburikidza nemutemo weStatutory Instrument Number 51 of 2021.

Magweta e Zimbabwe Lawyers for Human Rights anoti kushandurwa kwemutemo uyu hakurevi kuti vagari vekuChilonga, kuChiredzi mudunhu reMasvingo, havachabviswe munzvimbo yavari kugara.

Gweta rinoshanda nesangano iri, Va Obey Shava, vanoti kuburikidza nemutemo uyu, hurumende inogona kumuka mangwana ichibvisa vagari ava munzvimbo dzavari kugara.

Vashava vanoti semagweta ari kumirira vagari ava, vacharwisa mumatare zviri kuitwa nehurumende, nekuti vagari vekuChilonga vane kodzero dzekugara muminda yavakasiirwa nemadziteteguru avo.

Studio7 haina kukwanisa kubata gurukota rezvematunhu, Va July Moyo, sezvo nharembozha yavo yanga ichinetsa kubata.

Asi gurukota reMasvingo, VaEzra Chadzamira, avo tatadza kubata nhasi sezvo vanga vasiri kudaira foni yavo, vakaudza bepanhau re The Herald kuti hapana munhu achabviswa kuChilonga, asi kuti vamwe vanhu vashoma ndivo vachangosudurutswa munzvimbo dzavagere vopihwa nzvimbo itsva munzvimbo iyoyi yeChilonga kuitira kuti kambani ye Dairyden itange kuvaka muzinda wayo wekambani inogadzira mukaka munzvimbo iyi.

Asi VaShava vanoti hurumende inogona kubvisa vanhu vose vari munzvimbo yakatarwa seminda yehurumende mwedzi wapera nekuti hurumende inongoti minda yayo zviri pamutemo.

VaShava vanoti hurumende haifanirwe kusiyiwa ichityora mitemo inochengetedzwa nebumbiro remitemo yenyika, izvi zviri kupa kuti sangano ravo rimirire vagari vekuChilonga.

VaShava vanotiwo zviri kuitikawo kuChilonga zvakaitika zvakare kumatunhu eUzumba neMaramba Pfungwe kuMashonaland East, uko kambani yevanhu vekuChina iri kuda kubvisa vanhu munzvimbo dzavagere kuitira kuti ivake mugodhi wegoridhe munzvimbo iyi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG