Accessibility links

Breaking News

Kugadzwa kwaAmai Samia Suluhu Hassan seMutungamiri weTanzania Kwofadza Madzimai


Mubatanidzwa wemasangano emadzimai munyika, weWomen's Coalition of Zimbabwe, unoti uri kufara nekugadzwa kwaitwa Amai Samia Suluhu Hassan, semutungamiri weTanzania zvichitevera kushaya kwaVaJohn Magufuli nemusi weChitatu.

Amai Hassan vachange vari kutungamira Tanzania kudzamara sarudzo dzaitwa muna 2025 sezvinodiwa nebumbiro remitemo yenyika iyi.

Sachigaro veWomen’s Coalition In Zimbabwe, Amai Evernice Munando, vanoti kugadzwa kwaAmai Hassan semutungamiri weTanzania kuchabatsira zvikuru mukusimudzira mabatirwo anoitwa madzimai munyika iyi nekunze.

Amai Munando vanoti Zimbabwe inofanirwa kudzidza kubva kuTanzania makoshero akaita kugadza madzimai pazvinzvimbo zvepamusoro.

Vanoti vane shuwiro yekuti mutevedzeri wemutungamiri weZimbabwe achagadzwa mushure mekusiya basa kwakaitwa nava kembo mohadi, achange ari mudzimai.

Vanoti sangano ravo rakatonyorera mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachivakurudzira kudoma munhukadzi pachigaro chisina munhu muhurumende ichi.

Asi bumbiro remitemo yeZimbabwe harina zvakajeka zvarinotaura panyaya yevatevedzeri vemutungamiri wenyika, kunze kwekukurudzira kuti pave nekuenzaniswa kwevanhurume nevanhukadzi muzvigaro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG