Accessibility links

Breaking News

VaGolden Makusha Vanosungwa neMapurisa muMaryland, USA


VaGolden Makusha

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri mu America chiri muhusungwa mudunhu reMaryland mushure mekukuvadza mudzimai wacho pamwe nekuda kupfuudza hupenyu hwacho chichishandisa moto.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri mu America chiri muhusungwa mudunhu reMaryland mushure mekukuvadza mudzimai wacho pamwe nekuda kupfuudza hupenyu hwacho chichishandisa moto.

VaGolden Makusha, 52, avo vanogara muHagerstown kumaodzanyemba kwedunhu reMaryland, vakasungwa nemusi weChina mangwanani vachipomerwa mhosva yekukuvadza mudzimai wavo pamwe nekuparadza midziyo pachishandiswa moto.

Mapurisa emuWashington County mudunhu reMaryland anoti akaziva nezvenjodzi iyi mangwanani emusi weChina, mushure mekunge aziviswa nezvemhirizhonga iyi uye akawana musungwa uyu akarara pasi, asingazivi zviri kuitika, uye motokari mbiri dzaive mugaraji rake, dzichibvira zvinotyisa.

Mapurisa anoti akatakura musungwa uyu ndokumuendesa kuchipatara kuti anorapwa maronda ekutsva kwaakaita, ukuwo mudzimai wake, akaendeswawo kuchipatara kuti anorapwa.

Chiitiko ichi chinonzi chasiya mhuri yeZimbabwe iri mudunhu reDMV isina rekutaura sezvo VaMakusha nemudzimai wavo vari vanhu vanozivikanwa uye kuremekedzwa zvikuru.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG