Mutungamiri we MDC-T, VaMorgan Tsvangirai, vanoti sarudzo dzakaitwa munyika hadzina kuitwa zviri pachena uye havasi kuzotambira zvichabuda musarudzo idzi.
Zimbabwe yavhota neChitatu kuti isarudze hurumende itsva ichatora matomu kubva kuhurumende yemubatanidzwa iyo yange izere nemutauro.
Mutungamiri wehurumende, VaRobert Mugabe, vanoti vachatambira zvichabuda musarudzo dziri kuitwa neChitatu.
MDC-T inoti sarudzo dziri kuitwa zvinhu zvisina kumira zvakanaka mukomisheni inowona nezvekufambiswa kwesarudzo, ye Zimbabwe Electoral Commission.
Zviuru nezviuru zvaungana muHarare pamusangano wekupedzisira wekutsvaga rutsigiro rwemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai.
Mutungamiri weMDC-T uye vari mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai neChishanu vakati sarudzo dziri kuitwa musi wa 31 Chikunguru hadzisi kuitwa zviripachena kunyangwe hazvo African Union ichiti dzakachena.
Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vanoti zvakakosha kuti vanhu vagare vachirangarira nhoroondo yenyika yeZimbabwe kuti vagoziva kukosha kwakaita nyika iyi.
Mutungamiri weMDC-T, VaMorgan Tsvangirai, vashora mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vachiti vari kuchengetedza vanhu vari kuita huwori muhurumende
Amai Mutinhiri, avo vakadzingwa mu Zanu PF, vanoti vava kugara vakabatira ura mumaoko vachitya nhengo yeZanu PF yavari kukwikwidzana nayo musarudzo.
Mamwe mapato mashanu azivisa neChishanu kuti achatsigira mutungamiri weMDC huru, VaMorgan Tsvangirai, musarudzo dzemutungamiri wenyika
Mutauriri wemapurisa, Amai Charity Charamba, vanoti pane vanhu vafa uye vamwe vakuvara zvakapisisa padonha mudhuri unovhara nhandare yeChibuku.
Vanhu ava vanoti sezvo bumbiro idzva rakadzorera kodzero dzavo, vaifanirwa kunge vakanyoresa zviri nyore kuitira kuti vazovhota musarudzo.
VaTsvangirai vanoti nhengo dzebato ravo dzinofanirwa kubatana kuitira kuti bato ravo rigohwinha zvine mutsindo musarudzo dziri kutevera.
ZEC inoti inovimba kuti mukuru wemapurisa, Va Augustine Chihuri, vakavapa huwandu hwechokwadi hwemapurisa achavhota svondo rinouya..
VaTsvangirai vataura mashoko aya neChipiri pamisangano yavaita nevatsigiri vavo mudunhu reMashonaland Central.
Dare repamusorosoro ratura mutongo wekuti sarudzo dzemunyika dziitwe musi wa 31 Chikunguru sezvakaziviswa nemutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe.
Vatsigiri ve Zanu PF vaungana pamuzinda webato ravo muHarare vachiratidzira vachiti havasi kufara nemafambisirwo akaitwa sarudzo dzekuHarare South.
Zimbabwe Electoral Commission iri kukurudzira hurumende kuti itsvage nechimbi chimbi mari ichashandiswa musarudzo.
Dare repamusorosoro ratadza kuzeya nyaya dzesarudzo nekuti mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, vanga vasina kumirirwa mudare iri.
Munyori anowona nezvemabasa mu Zanu PF, VaDidymas Mutasa, vanoti bato ravo raona zvakakodzera kuti VaChininga vaitwe gamba remudunhu.
Rodhai zvimwe