Accessibility links

Breaking News

Amai Makarau Vanoti Vanovimba neHuwandu hweMapurisa Hwavakapihwa naVaChihuri

VaAugustine Chihuri
VaAugustine Chihuri
Komisheni inoona nezvekufambiswa kwesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission, ZEC, yazivisa neChitatu kuti sarudzo dzekanzuru yemadzishe dzichaitwa musi weChishanu.

Komisheni iyi inotiwo ine chivimbo chekuti mukuru wemapurisa, Va Augustine Chihuri, vakavapa huwandu hwechokwadi hwemapurisa achavhota svondo rinouya pamberi pesarudzo dzemusi wa 31 Chikunguru.

Vachitaura pamusangano waitwa nekomisheni yavo nevemasangano anoshanda akazvimirira, sachigaro veZEC, Amai Rita Makarau, vanoti aka ndekekutanga kuti sarudzo dzekanzuru yemadzishe dziitwe dzichitungamirwa neZEC zvichitevera kupasiswa kwakaitwa bumbiro idzva remitemo yenyika.

Amai Makarau vanoti vatora matanho akati kuti ekuti vachakurumidza kuvhota vanosanganisira mapurisa, masoja pamwe nevashandi veZEC vanenge vasiri munzvimbo dzavanogara musi wa 31 Chikunguru pachaenda veruzhinji kunovhota, vavhote nenzira dzinogutsa veruzhinji pamwe nevemapato ezvematongerwo enyika.

Kuvhota kuchaitwa nemapurisa nemasoja musi wa 15 Chikunguru ndekekutanga kuti vanhu ava vavhote vasiri munzvimbo dzavanoshandira izvo zvinonzi nemamwe mapato ezvematongerwo zvaikonzera kuti vanhu ava vavhote vachimbunyikidzwa.

Vanotiwo vane chivimbo chekuti VaChihuri vakavapa huwandu hwechokwadi hwevanhu vari muchipurisa vanoda kuzokurumidza kuvhota. Mashoko eZEC aya anotevera kunyunyuta kwe MDC-T, Zapu nemamwe mapato ezvematongerwo enyika anoti mapepa ekuvhoteswa ari kudiwa nemapurisa kuti afanovhota sarudzo dzisati dzaitwa, akawandisa zvukuru kana zvichienzaniswa nemapurisa ari munyika.

Zvichakadai, vemasangano anoshanda akazvimirira vanga vari pamusangano uyu vanoti vanoda kupihwa mukana wekuti vagoona kuti vanenge vakurumidza kuvhota ava mazita avo anenge achekwa here senzira yekuratidza kuti vavhota.

Asi Amai Makarau vanoti vanhu vachakurumidza kuvhota ava vachanovhotera panzvimbo yavanenge vaudzwa nekomisheni yavo mazita avo obva achekwa kuratidza kuti vavhota kuitira kuti vasavhote rwepiri pachavhota veruzhinji musi wa 31 Chikunguru.

Zvichakadai, ZEC yakazivisa neChipiri sangano re The Carter Centre, kuti harikwanise kuongorora sarudzo dzichaitwa munyika. The Carter Centre yakanga yanyorera kuZEC ichida kupihwa mvumo yekuongorora sarudzo.

The Carter Centre, iyo yakavambwa nevaimbove mutungamiri we America, VaJimmy Carter, inoongorora sarudzo munyika dzakawanda pasi rose, uye kusvika pari zvino, yaongorora sarudzo makumi mapfumbamwe neina munyika makumi matatu nenomwe.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
This item is part of
XS
SM
MD
LG