Accessibility links

Breaking News

Mapato Mashanu Otsigira VaTsvangirai Musarudzo yeMutungamiri weNyika


VaMorgan Tsvangirai
VaMorgan Tsvangirai
Mamwe mapato ezvemnatongerwo enyika mashanu azivisa neChishanu kuti achatsigira mutungamiri weMDC huru, VaMorgan Tsvangirai, musarudzo dzemutungamiri wenyika dzichaitwa pamwe chete nedzeparamende nedzemakanzura musi wa 31 Chikunguru.

Mapato anoti Democratic Party, Voice of the People, chimwe chikwata cheZapu, Zimbabwe Organized Open Political Party pamwe ne United People's Party azivisa pamusangano waaita nevatori venhau pamuzinda weMDC-T kuti achatsigira VaTsvangirai pachigaro chemutungamiri wenyika pasarudzo dzemusi wa 31 Chikunguru.

Mapato eMavambo-Khusile-Dawn, MKD yaVaSimba Makoni pamwe ne Zanu Ndonga vakazivisa kare kuti vachatsigira VaTsvangirai, ukuwo VaDumiso Dabengwa, avo vanotungamira chimwe chikwata cheZapu, vakazivisawo kuti vachatsigira mutungamiri weMDC, VaWelshman Ncube.

Mutungamiri we UPP, Reverend Kuratidza Sandati, vanoti kubatana kwemapato pasi paVaTsvangirai ndiko kunoita kuti vakwanise kubvisa mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe pachigaro musarudzo dziri kuuya.

Mutungamiri we Voice of the People, VaMoreprecision Muzadzi, vanoti vane chivimbo chekuti mamwe mapato anopikisa Zanu PF achauya kuzobatana nemamwe kuti ashande pamwe chete pamberi pesarudzo idzi.

Mutevedzeri wemutungamiri we Zanu Ndonga, VaGondai Paul Vhutuza, vanoti bato ravo riri kutsigira VaTsvangirai uye varamba mashoko ari kuburitswa nebepanhau re The Herald ekuti sachigaro webato ravo, Va Reketai Semwayo, vari kuzvimirira mukushanda kwavari kuita neMDC-T. VaSemwayo vari kukwikwidza musarudzo dzeparamende vakamirira MDC-T.

Mutevedzeri wechimwe chikwata cheZapu inotungamirwa naVaRay Ncube, Va Canciwell Nziramasanga, vanotiwo vari kutsigira Va Tsvangirai musarudzo dzemusi wa 31 Chikunguru uye vashora VaDabengwa, avo vakabuda pachena kuti ndivo vakakonzeresa kuti Va Tsvangirai vasapinde mumasimba muna 2008, vachiti chinangwa chavo ndechekupatsanura mavhoti kuitira kuti MDC-T isakunde musarudzo dziri kutevera.

Vaenderera mberi vachiti rwendo rwuno havasi kuzoramba vakanyarara kana sarudzo dzikabirirwa.

Zvichakadai, munyori mukuru muMDC-T, VaTendai Biti, vaudzawo vatori venhau kuti hurumende haisati yave nemari yesarudzo yakakwana.

Komisheni inowona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission inoti inoda mari inoita mamiriyoni zana nemakumi matatu nemaviri emadhora kuitira kuti ifambise sarudzo dzegore rino zvakanaka.
XS
SM
MD
LG