HARARE —
Mutungamiri weMDC-T uye vari mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai neChishanu vakati sarudzo dziri kuitwa musi wa 31 Chikunguru hadzisi kuitwa zviripachena kunyangwe hazvo African Union ichiti dzakachena.
Mashoko aVaTsvangirai anotevera mashoko, asachigaro weAfrican Union Amai Nkosazana Dhlamini Zuma ekuti sarudzo dzemu Zimbabwe dzichaitwa zviri pachena.
Vachitaura nevatori venhau muHarare, Amai Zuma vakakurudzira kuti vanenge vasina kufara nezvinenge zvabuda musarudzo vasaende kunoratidzira mumigwagwa asi kuti vaende kumatare. Asi VaTsvangirai vanoti zviri kutaurwa naAmai Zuma hazvina musoro uye zvinoratidza kuti vane divi ravakarerekera panyaya dzezviri kuitika muZimbabwe.
Vaenderera mberi vachiti bato ravo rakawana mamwe emapepa akavhoteswa nemapurisa nemasoja vakakumbira kufanovhota pamberi pesarudzo dzemusi we Chitatu ari mumabhini vachiti zvavapachena kuti pane kubirirwa kuri kutoitwa.
Vanotiwo komisheni inowona nezvekufambiswa kwesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission haisi kushanda yakazvimirira vachiti izvi zvichaita kuti komisheni iyi itadze kufambisa basa zvakanaka.
VaTsvangirai vatiwo havasi kufara nekusapihwa gwaro revavhoti re voters roll kunyangwe zvazvo kwasara mazuva mashomanana kuti sarudzo idzi dziitwe uye vanoti vakanyorera komisheni iyi tsamba neChishanu kuti vapihwe gwaro iri.
Nekuda kweizvi pamwe nekusadziswa kwemisariridzwa yemuchibvumirano chezvematongerwo enyika cheGlobal Political Agreement pamwe nemhirizhonga iri kuitika mune dzimwe nzvimbo munyika, VaTsvangirai vatiwo zvava pachena kuti zvichabuda musarudzo hazvisirizvo zviri kudiwa nezvizvarwa zveZimbabwe.
Zvisinei, VaTsvangirai vati vane chivimbo chekuti vachakudza musarudzo. Zvichabuda musarudzo dzemusi we Chitatu zvakatarisirwa kuziviswa mukati memazuva mashanu uye kana pasina akunda musarudzo dzemutungamiri wenyika, sarudzo dzechipiri dzakatarisirwa kuitwa musi wa 11 Gunyana.