Accessibility links

Breaking News

VaTsigiri veZanu PF Voratidzira muHarare


Zanu-PF youth
Zanu-PF youth
Vatsigiri ve Zanu PF vanosvika mazana maviri vaungana pamuzinda webato ravo muHarare vachiratidzira vachiti havasi kufara nemafambisirwo akaitwa sarudzo dzekuHarare South dzekutsvaga anomirira bato iri musarudzo dzeparamende.

Vatsigiri ava vanga vakatakura mapepa ane zvinyorwa zvakasiyana-siyana uye zvimwe zvezvinyorwa izvi zvanga zvakanzi “Musatipe Vanhu Vatisingade Kuti Vatimiririre” uye zvimwe zvinyorwa zvanga zvakanzi “Hubert Nyanhongo Ngaadzoke”.

Va Nyanhongo, avo vanga vachimirira Harare South muparamende, vakunokwkiwidza ku Nyanga South mushure mekuhwina musarudzo dzekutsvaga achamirira Zanu PF mudunhu iri.

Vatsigiri ve Zanu PF ava vanga vachiimbawo vachiti havasi kuda kumirirwa naVa Shadreck Mashayamombe avo vanonzi ndivo vakakunda musarudzo dzemu Harare South.

Asi vatsigiri vebato iri vanoti sarudzo idzi hadzina kuitwa zviri pachena, nokudaro vanoda kuti VaMugabe vapindire munyaya iyi.

Kuratidzira uku ndekwechipiri kwaitwa nevatsigiri ve Zanu PF zvichitevera kuratidzira kwavakaita neMuvhuro pamuzinda webato iri.

Zvinonzi kuratidzira uku kwazomira mushure mekunge sachigaro we Zanu PF mupurovhinzi yeHarare, Va Amos Midzi, vaudza vatsigiri vebato ravo ava kuti VaMugabe vanga vasiri kukwanisa kutaura navo sezvo vanga vari mumusangano munonzi manga muchirongwa hurongwa hwekuparurwa kwechirongwa chebato iri chekutsvaga rutsigiro pamberi pesarudzo dzegore rino.

VaMugabe vakatarisirwa kuparura hurongwa uhwu neChishanu pamusangano uchaitwa ku Zimbabwe Grounds mumusha we Highfields.

Ukuwo MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai yakatarisirwawo kuparura hurongwa humwe chetehwo neMugovera ku Marondera.

Studio7 haina kukwanisa kutaura naVaMidzi pamwe nemutauriri we Zanu PF, Va Rugare Gumbo, kuti tinzwe divi rebato ravo panyaya idzi. VaGumbo vati havakwanisi kutaura nekuti vanga vari mumusangano webato ravo.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG