Accessibility links

Breaking News

VaMwonzora Vanoti ZEC Yabvutirwa Masimba neZanu PF neVasori


 VaDouglas Mwonzora
VaDouglas Mwonzora
MDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai inoti sarudzo dziri kuitwa zvinhu zvisina kumira zvakanaka mukomisheni inowona nezvekufambiswa kwesarudzo, ye Zimbabwe Electoral Commission, ZEC.

Bato iri rinoti rave kutyira kuti sarudzo dzichabirirwa asi rinotiwo riri kutora matanho kuitira kuti zvido zveveruzhinji zvizadziswe.

Vachitaura nevatori venhau pamuzinda webato ravo pa Harvest House, mutauriri weMDC-T, Va Douglas Mwonzora, vanoti ZEC haisi kufambisa basa zvakanaka uye vati kusvika pari zvino bato ravo harisati rawana gwaro revavhoti richashandiswa mukuvhota kuchaitwa neveruzhinji.

Va Mwonzora vanotiwo bato ravo ratambira mashoko ekuti vagari vekuNketa muguta reBulawayo vachange vachivhotera ku Nkulumane uye vagari veku Nkulumane vachange vachivhotera ku Nketa.

Vanoti zvakare ZEC iri kuita izvi ichishanda pamwe chete nevasori ne Zanu PF mukuedza kubirira sarudzo.

MDC-T inoti zvakare yatambira mashoko ekuti vanhu vakapinzwa mabasa neZEC kuti vange vachivhotesa, vazhinji vavo vasori.

Nepamusana pezviri kuitika izvi, VaMwonzora vanoti zvave pachena kuti vasori ndivo vave kutungamira sarudzo kwete komisheni yeZEC.

Hatina kukwanisa kutaura nasachiagaro weZEC, Amai Rita Makarau, kuti tinzwe divi rekomisheni yavo panyaya iyi sezvo vanga vachinzi vari mumusangano nevemapato ezvematongerwo enyika.

Zvichakadai, VaMwonzora vanoti Zanu PF iri kushandisa madzishe nemasabhuku kutyikdzira vanhu vekumaruwa kuti vavhotere bato iri musarudzo.

Hatina kukwanisa kutaura nemukuru wemadzishe, Ishe Fortune Charumbira, pamwe nemutauriri we Zanu PF, Va Rugare Gumbo, kuti tinzwewo divi ravo pamusoro pezviri kutaurwa neMDC-T izvi.

Asi VaGumbo vakaudza Studio7 neChipiri kuti hapana munhu ari kutyisidzirwa nemadzishe kuti avhotere Zanu PF. Asi VaGumbo vakabvuma kuti hapana chinenge chakashata kuti mapato atsvage rutsigiro rwemadzishe, sezvo zviri zvinhu zvinoitwa murunyararo.
XS
SM
MD
LG