HARARE —
Zvizvarwa zveZimbabwe zvakambonyimwa kodzero yekuva zvizvarwa zvenyika nepamusana pekuti vabereki vavo vaive vekune dzimwe nyika, varatidzira muHarare neChishanu vachiti vakatadziswa kunyoresa nehofisi yamabharani mukuru wenyika.
Vanhu ava vanoti sezvo bumbiro idzva rakadzorera kodzero dzavo, vaifanirwa kunge vakanyoresa zviri nyore kuitira kuti vazovhota musarudzo.
Vanhu ava, avo vanga vachidarika zana vawungana pamahofisi eZimbabwe Electoral Commission, ZEC, vachiti havasi kufara nekurambidzwa kwavakaitwa kunyoresa sevavhoti nevekuhofisi yamabharani mukuru wenyika.
Varatidziri ava vanga vakatakura zvinyorwa zvakasiyana-siyana uye zvimwe zvezvinyorwa izvi zvanga zvakanzi “Tinoda Sarudzo Dzinovhotwa neMunhu Wese Ane Kodzero Dzekuvhota”.
Mumwe wevaratidziri ava, VaKimberly Nyatsanga , vanoti havasi kufara nekuti havasi kuzokwanisa kuvhota musarudzo dzemusi 31 Chikunguru.
VaNyatsanga vanoti mikova yepamahofisi eZEC yabva yavharwa pavasvika vachida kuwona sachigaro wekomisheni iyi, Amai Rita Makarau, nevamwe vavo.
Vaenderera mberi vachiti hofisi yavainzi vaende kunorasa huzvarwa hwenyika dzavanobva yainonoka kuvabatsira uye yakanga iri imwe chete izvo zvakakonzera kuti vatadze kunyoresa sevavhoti.
Mumwe wevaratidziri ava, VaClemence Phiri, vanoti kuti sarudzo dzinzi dzafamba zvakanaka munyika hunge vanhu vese vane kodzero dzekuvhota vakwanisa kuvhota.
Hatina kukwanisa kunzwa divi reZEC sezvo Amai Makarau vati vanga vari mumusangano patavabata pambozhanhare yavo.