HARARE —
Komisheni inoona nezvekufambiswa kwesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission, ZEC, iri kukurudzira vatungamiri vemapato ari muhurumende kuti vawone zvavangaite nechimbichimbi kutsvaga mari ichashandiswa musarudzo dzakatarisirwa kuitwa gore rino.
Vachitaura nevatori venhau mushure mekusangana kwaita komisheni yavo nemutungamiri wehurumende, Va Morgan Tsvangirai neMuvhuro, sachigaro weZEC, Amai Rita Makarau, vati komisheni yavo haisati yave nemari ichashandiswa pasarudzo idzo dzakaziviswa naVaMugabe kuti dzichaitwa musi wa 31 Chikunguru, ndokana kupikiswa kwezuva iri kusina kubudirira.
Amai Makarau vanoti kunyange hazvo zvimwe zvese zvine chekuita nesarudzo zviri mugwara, komisheni yavo haisati yave nemari ichashandiswa pakuitwa kwesarudzo idzi.
ZEC inoti inoda mari inoita mamiriyoni zana nemakumi matatu emadhora kuitira kuti ikwanise kufambisa sarudzo dzegore rino zvakanaka.
VaTsvangirai vanonzi vati vachaedza nepose pavanogona napo sehurumende kuti vatsvage mari iyi.
Mutauriri waVaTsvangirai, VaLuke Tamborinyoka, vaudza vatori venhau kuti chave chipatapata kutsvaga mari iyi sezvo sarudzo dzaswedera.
VaTamborinyoka vati VaTsvangirai vaudza ZEC kuti havasi kufara nenyaya yekuti pane kambani yeku Israel iri kushanda pamwe chete nebazi ramabharani mukuru wenyika, pakunyoreswa kwevanhu sevavhoti.
Kunyange hazvo ZEC ichiti iri kugadzirira sarudzo dzemusi wa 31 Chikunguru, sarudzo idzi dzinogona kutadza kuitwa musi uyu kana dare repamusorosoro rikapa mutongo unopindirana nezviri kudiwa naVa Tsvangirai panyaya ichanzwikwa mudare iri neChina.
VaTsvangirai vari kuda kuti zuva rakaziviswa naVaMugabe kuti sarudzo dziitwe pamwe nezuva rakakumbirwa negurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa rekuti sarudzo dziipfudzirwe mberi kusvika musi wa 14 Nyamavhuvhu, zvinzi hazvisi pamutemo.