HARARE —
Zviuru nezviuru zvaungana muHarare pamusangano wekupedzisira wekutsvaga rutsigiro rwemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai.
Vanhu vanga vakaita ivhu nemarara nguwo tsvuku dzakapfekwa pamusangano wasiya vakawanda vakashama miromo yavo.
Vachitaura pamusangano wavaita nevatsgiri vavo wanga uchidaidzwa kuti Cross Over Rally, VaTsvangirai vati yasvika zvino nguva yekuti vana ve Zimbabwe vaende kunyika ye Canaan.
Va Tsvangirai vati mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, havana chavanofanira kutya kuenda pamudyandigere sezvo vati havasi kuzodzosera zvese zvavakatadzirwa naVaMugabe.
VaTsvangirai vati havasi kufara nemafambisirwo ari kuitwa basa neZimbabwe Electoral Commission, vakakurudzira komisheni iyi kuti isiye basa kana yakundikana.
Zvisinei nekusamira zvakanaka kwezvinhu muZEC, VaTsvangirai vati vanovimba kuti vanokunda musarudzo idzi uye vakurudzira vanhu vese vakanyoresa sevavhoti kuti vasabude mumitsetse yekuvhota kusvika vavhota. Vatiwo hurumende yavo ichashanda zvakasimba mukusimudzira hupfumi hwenyika uhwo hwavanoti hwapfugama nepamusana pehuwori hwavati huri kuitwa neZanu PF.
VaTsvangirai vakurudzira vekunze vari kuongorora sarudzo dzichaitwa neChitatu kuti vasave nedivi ravanorerekera.
Zvichakadai, mutungamiri weMavambo Dawn Kusike, Va Simba Makoni, avo vakawumbawo mushandirapamwe wesarudzo naVa Tsvangirai, vaudzawo musangano uyu kuti vari mu Zanu PF vasiri kufara nehotongo hwaVaMugabe vanofanira kukavira bhora musango nechitatu.
Pavapedza kutaura, VaTsvangirai vatora mabhora ndokuarova achidonhera muvanhu.