HARARE —
Mutungamiri we MDC-T, VaMorgan Tsvangirai, vanoti sarudzo dzakaitwa munyika hadzina kuitwa zviri pachena uye havasi kuzotambira zvichabuda musarudzo idzi.
Vachitaura nevatori venhau pamuzinda webato ravo pa Harvest House mu Harare neChina, VaTsvangirai vati sarudzo dzakaitwa dzekutsvaga hurumende itsva dzinoshoresa.
VaTsvangirai vanoti pane zvinhu zvakawanda zvisina kufamba zvakanaka zvinosanganisira kusawana gwaro revavhoti nenguva, kubatsirwa kwevanhu vazhinji kuvhota vachinzi havagone kunyora, pamwe nekutututwa kwevanhu vachinovhota vachibva kunzvimbo dzakasiyana kuti vanovhota munzvimbo dzanga dzichida kuti Zanu PF ikunde.
Asi mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo, vanoti MDC inogara yakachema nguva dzose nokuti haina vatsigiri vakawanda.
Zviri kubuda musarudzo zviri kuratidza kuti Zanu PF iri kukunda MDC zvine mutsindo rwendo rwuno. Asi MDC-T inoti sarudzo idzi dzakabiridzirwa.