Accessibility links

Breaking News

Amai Mutinhiri Votyisidzirwa kuMarondera East?


Vaimbova mutevedzeri wegurukota rezvevashandi, Amai Tracy Mutinhiri, avo vari kukwikwidza vakamirira MDC-T musarudzo dzeparamende kuMarondera East, vanoti mumwe wavo wavari kukwikwidzana naye, VaJeremiah Chiwetu, vari kuita zvinhu zviri kuvashungurudza.

Amai Mutinhiri, avo vakadzingwa mu Zanu PF, vanoti vava kugara vakabatira ura mumaoko vachitya VaChiwetu, avo vanga vari senior assistant commissioner muchipurisa.

Asi Va Chiwetu vanoti zviri kutaurwa naAmai Mutinhiri hazvina mature ose. Vanotiwo vari kutambirwa zvakanaka neveruzhinji mu Marondera East uye vakurudzira Amai Mutinhiri kuti vaende kuvanhu kunotsvaga rutsigiro kwete kutaura zvinhu zvavati hazvina maturo.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reMashonaland East, VaBulisani Bhebhe, vanoti nyaya iyi haisati yasvika munzeve dzavo uye vakurudzira vemapato ezvematongerwo enyika kuti vamhan'are nyaya dzemhirizhonga kumapurisa.

Zvichakadai, Amai Mutinhiri vakurudzira sangano remubatanidzwa wenyika dziri kuchamhembe kwe Africa, reSADC, kuti riwone zvaringaite kuitira kuti sarudzo idzi dziitwe pasina kutyisidzirwa kwevanhu.

Amai Mutinhiri vakadzingwa mu Zanu PF vachipomerwa mhosva yekudyidzana neMDC-T asi ivo mbune vanoti vakazoenda kubato iri vaona kuti muZanu PF hamuna hutongi hwejekerere.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG