CHITUNGWIZA —
Pane vanhu vafa vamwe vakakuvara zvakaipisisa ndokuendeswa kuchipatara. Asi huwandu hwevanhu vafa hausati hwanyatsoburitswa.
Izvi zvinonzi zvaitika pamusangano wekutsvaga rutsigiro waitwa nemutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, kuChibuku Stadium kuChitungwiza.
Mutauriri wemapurisa, Amai Charity Charamba, vanoti pane vanhu vafa pamusangano uyu vamwe vanosvika makumi maviri vakuvara zvakapisisa padonha mudhuri unovhara nhandare ye Chibuku.
Zvinonzi vechidiki veZanu PFvamanikidza vagari vemu Chitungwiza kuenda kumusangano uyu.
Mushure mekunge nhandare yanga ichiitirwa musangano yazara, vechidiki veZanu PF vanonzi varamba vachimanikidza vanhu kuti vapinde munhandare iyi vakati vamwe vakwire mudhuri wenhandare iyi vapinde mukati kuitira kuti vanzwe VaMugabe vachitaura. Vari pakati pekukwira mudhuri uyu ndipo pawabva wadonha ukatsikirira vanhu vafa pamwe nevakuvara ava.
Mushure mekudonha kwaita mudhuri wauraya vanhu uyu, vanhu vazhinji vazonzi vakwire pamisoro pedzimotokari dzanga dziri panze penhandare kuti vakwanise kuwona VaMugabe vachitaura.
Munhandare, vezvehutano vapinda basa rakakura kwazvo sezvo vanhu vazhinji vanga vachifenda nekutadza kufema nepamusana pekutsikirirana kwanga kwaita vanhu.
Studio 7 yadzimiswa mifananidzo yezvaitika izvi yayanga yatora nevechidiki ve Zanu PF.
Kunyange hazvo mapurisa anga ari mavhu nemarara panhandare ye Chibuku, mapurisa aya haana chaaita kubatsira vanhu vakuvara ava asi varamba vakangomira vachivharidzira vanhu kuti vasapinde munzira yaizopinda nayo VaMugabe vakamira kumashure kwemotokari vachisimudza chibhakera pamwe chete nemudzimai wavo, Amai Grace Mugabe, vachiridzirwa miridzo yekupururudzirwa.
Zvichakadai, VaMugabe vaudza vanhu vanga vari munhandare umu kuti venyika dzekunze dzakaita se America, pamwe ne Britain vari kuda kuti ivo VaMugabe vabve pachigaro kuitira kuti vagowana mabiro ehupfumi huri munyika sezvavati ndizvo zvakaitika ku libya pakabviswa hurumende yaVa Muammar Gaddafi pamwe nemuhondo yemu iraq yakakonzera kuurayiwa kwava saddam hussein.
Vati varungu vanofanira kuziva kuti Zimbabwe ndeyezvizvarwa zve Zimbabwe kwete yevanhu vachena.
VaMugabe vatiwo gurukota rezvemari, Va Tendai Biti havasi kushandisa nemazvo mari yakakwereteswa Zimbabwe nesangano re International Monetary Fund.
VaMugabe vashorawo makanzura akadzingwa ne MDC-T mukanzuru yeChitungwiza pamusana pehuwori vachiti chinofanirwa kuitwa nevanhu vanenge vasarudzwa kumirira zvido zveveruzhinji.
Vatiwo hapana munhu anofanirwa kutorerwa imba nekanzuru kana achinge atadza kubhadhara mitero yekanzuru.
Vakurudzirawo vanhu kuti vatsigire Zanu PF musarudzo dzemusi wa 31 Chikunguru vachiti bato ravo ndiro rine nhoroondo yehondo yerusunguko.