Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoti Vachakunda VaMugabe Musarudzo


Mutungamiri wehurumende uye vari mutungamiri weMDC huru, VaMorgan Tsvangirai, vanoti sangano remubatanidzwa wenyika dziri kuchamhembe kweAfrica, re SADC, ndiro rakaita kuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vave nehutongi hwakareba zvichitevera kukundwa kwavakaitwa musarudzo dzemuna 2008 kuitira kuti vagoenda pamudyandigere zvinoyemurika.

VaTsvangirai vataura mashoko aya neChipiri pamisangano yavaita nevatsigiri vavo mudunhu reMashonaland Central.

Vachitaura munhandare yeChipadze muBindura mavaita musangano nevatsigiri vavo vanga vachidarika zviuru zvitatu, Va Tsvangirai vati VaMugabe vakadzoswa mumasimba neSADC kuitira kuti vagobuda mumasimba zvine chiremerera zvichitevera kukundwa kwavakaitwa murudzo dzemuna 2008.

VaTsvangirai, avo vakabuda musarudzo yechipiri yemutungamiri wenyika vachigunun’una nekurohwa pamwe nekupondwa kwakaitwa vatsigiri vavo pamberi pesarudzo dze run off dzemuna chikumi 2008, vati izvi vakazviitira kuti vachengetedze hupenyu hweveruzhinji munyika.

Vatiwo zvisinei nekutambudzika kwanga kuchiita vatsigiri vavo, zvikurusei mumaguta pakunyoresa sevavhoti muchirongwa chapera neChipiri, vane chivimbo chekuti vanokunda musarudzo dzemusi wa 31 Chikunguru.

VaTsvangirai vanoti veruzhinji vakatosarudza kare mumwoyo yavo munhu wavanoda kuti atungamire nyika saka nokudaro veruzhinji havafanire kubvuma kutyisidzirwa ne Zanu PF pamberi pesarudzo idzi. Pose panoitwa sarudzo munyika, vanhu vazhinji mudunhu reMashonaland Central vanogarosangana nemhirizhonga ine chekuita nezvematongerwo enyika.

VaTsvangirai vanoti muvengi mukuru munyika inyaya yekutambura kuri kuita vanhu zvavati zvinogadzirwa nechimbichimbi kana bato ravo rikapinda mumasimba.

VaTsvangirai vanoti kuti Zimbabwe ive nehupfumi hwakanaka, chinodiwa chete kutevedzera mitemo yenyika kwete zvekutonga nedemo zvavati ndizvo zviri kuitwa naVaMugabe.

VaTsvangirai vakapinda muhurumende yemubatanidzwa naVaMugabe muna Kukadzi 2009 zvichitevera chibvumirano che Global Political Agreement chakaitwa muna Gunyana 2008.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG