Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoti Bato Ravo Richasimudzira Hupenyu hweVanhu


VaMorgan Tsvangirai
VaMorgan Tsvangirai
Mutungamiri weMDC huru, VaMorgan Tsvangirai, vakurudzira vakakundwa musarudzo dzekutsvaga nhengo dzichakwikwidza dzakamirira bato ravo musarudzo dzemusi wa 31 Chikunguru kuti dzishande pamwe chete nevakahwina kuitira kuti bato ravo rigokunda musarudzo idzi.

Va Tsvangirai vataura izvi pamusangano wavaita nevatsigiri vebato ravo ku Mhondoro mudunhu re Mashonaland West.

VaTsvangirai vanoti nhengo dzebato ravo dzinofanirwa kubatana kuitira kuti bato ravo rigohwinha zvine mutsindo musarudzo dziri kutevera.

Vachakwikwidza musarudzo dzeparamende vakamirira MDC-T munhauraunda ye Chegutu East inobatanidza Neuso, Va Tawanda Bvumo, vanoti vakazvipira kushanda zvakasimba mukusimudzira magariro evanhu vemuno mu Chegutu East.

Va Bvumo vanoti nhengo inomirira Chegutu East muparamende, uye vari gurukota rinowona nezvekuburitswa kwemashoko, Va Webster Shamu, vebato re Zanu PF, havana chavakaita munzvimbo chinosimudzira magariro everuzhinji. Va Bvumo vanoti kutadza basa kwaVa Shamu ndiko kuri kukonzera kuti dzimwe nhengo dze Zanu PF dzitizire kubato ravo.

Zvichakadai, VaTsvangirai vanoti vakakunda musarudzo, hurumende yavo ichashanda zvakasimba kuitira kuti vari kumaruwa vavakirwe dzimba nehurumende.

VaTsvangirai vakatarisirwa kuita musangano muChinhoyi neChishanu vasati vaenda ku Manicaland pakupera kwesvondo.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG