HARARE —
Vanga vari mumiriri weGuruve South muparamende, VaEdward Takaruza Chindori Chininga, vanyimwa ruremekedzo rwegamba renyika, ndokubva vapihwa nebato ravo ruremekedzo rwegamba remudunhu reMashonaland Central.
Hutungamiri hweZanu PF kuMashonaland Central hwanga hwakurudzira dare repamusoro rebato kuti VaChininga varemekedzwe segamba renyika, asi izvi zvikaramba kutambirwa.
Munyori anowona nezvemabasa mu Zanu PF, VaDidymas Mutasa, vanoti bato ravo raona zvakakodzera kuti VaChininga vaitwe gamba remudunhu reMashonaland Central.
Asi imwe nhengo yeZanu PF kuMashonaland Central, Va Priviledge Musvanhiri, vanoti havana kufara nedanho ratorwa ne Zanu PF iri.
Kunyange hazvo Va Chininga vasina kuenda kuhondo, Va Musvanhiri vati mabatirwo akaitwa basa naVaChininga vari muhurumende anokodzera kuti vaitwe gamba renyika. Va Chininga ndeumwe wevashoma vari mu Zanu PF vari mukomiti yeparamende inowona nezvezvicherwa vanga vachiti havasi kufara nehuwori hunonzi huri kuitika munyika zvikurusei panyaya yemangoda ekwaChiadzwa.
Va Chininga vakatambisa gurukota rezvimigodhi, Va Obert Mpofu, chamutavanhava nenyaya yekwaChiadzwa iyi pavakavamanikidza kuti vaende kuzomira pamberi pekomiti yeparamende yavanga vari sachigaro vasati vafa svondo rapera zvichitevera tsaona yemumugwagwa.
Munin’ina wemufi, Va Victor Chininga, vanoti hapana chavangaite semhuri kunze kwekungoteerera zvataurwa nehutungamiri hweZanu PF.
Va Chininga vakaberekwa musi wa 14 Kurume 1955 uye vakave nhengo yeparamende ye Guruve South kubva muna 1995 kusvika vafa svondo rapera.
Va Chininga, avo vakambove gurukota rezvemigodhi kubva muna 2000 kusvika muna 2004, vakambopinda mune imwe tsaona yemumugwagwa muna Kurume wegore rapera, asi vakararama.