Nhengo dzeMDC-T nenhengo dze Zanu PF dzaratidzira kusafarisira mafambisirwo esarudzo mumapato aya.
Gweta raVaChinamasa, VaFreddy Gijima, vanoti Va Chinamasa vari kuenderera mberi nenyaya yavakakwidza kudare iri vachikumbira kuti sarudzo dzipfuudzirwe mberi.
Vatungamiri vemapato ari muhurumende yemubatanidzwa vabvumirana kuti gurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, vabvise mapepa avakasvitsa kudare neMuvhuro vachikumbira kuti sarudzo dziitwe musi 14 Nyamavhuvhu
VaChamisa vanoti bato ravo richaongorora nhuna dzese dziri kusvitswa kuhutungamiri rozotora matanho akakodzera.
Asi mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vanoti havasi kutambira zvaitwa naVaMugabe izvi, vachiti zviri kunze kwemitemo.
VaTsvangirai vanoti pane zvakawanda zvinofanirwa kuitwa nekugadziriswa kuitira kuti sarudzo idzi dzive dzakachena.
Kutongwa kweAmai Beatrice Mtetwa pamhosva yavari kupomherwa yekuvhiringidza mapurisa kuita basa rawo muna Kurume wegore rino, kwatanga muHarare neMuvhuro.
Va Biti vanoti chakatarisirwa neIMF kutevedzera mitemo yemunyika pamwe nekuita zvirongwa zvekusimudzira hupfumi zvinonwisa mvura.
Vachitaura pamusangano waitwamuHarare nekomisheni inowona neZEC, pamwe nevemasangano anoshanda akazvimirira, VaMudede vati hurumende haisi kuzobvumidza vari kunze kwenyika kuvhota.
Mutungamiri weMDC huru, VaMorgan Tsvangirai, vanoti mapato ava haasi kuzopinda musarudzo kana misariridzwa yemuchibvumirano chezvematongerwo enyika isati yazadziswa.
Amai Kazembe vanoti pane zvakawanda zvichiri kuda kugadziriswa kunyange hazvo vachiti vakapihwa mari nehurumende yekuita basa iri
Dare repamusoro soro re Supreme Court ratura neChishanu mutongo wekuti sarudzo itsva dziitwe musi wa 31 Chikunguru wegore rino usati wadarika.
Mumwe wevanhu ava ndiVa Alec Masomera avo vakakundwa nemutungamiri wevechidiki mubato iri, Va Solomon Madzore, pasarudzo dzemu Dzivarasekwa
Musori anga achityiwa zvikuru munguva dzesarudzo munyika, VaElias Kanengoni, varadzikwa zvine mutsindo neMuvhuro segamba rakarwira rusununguko rwenyika.
Dare repamusorosoro ranzwa neChina nyaya yekuti kamba yemapurisa yepa Harare Central haikodzera kuchengeterwa vasungwa vanorarama neHIV.
Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vasangana neChitatu nemumwe wevatevedzeri vemutungamiri wehurumende yeChina, Va Wang Yang, paine kuwirirana munyaya dzekusimbaradza kudyidzana kwenyika mbiri idzi.
VaBiti vanoti chikwereti cheZimbabwe kuInternational Monetary Fund neWorld Bank, chakurisa zvekuti Zimbabwe haichakwanisi kuchibhadhara.
Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti bato ravo rine basa rakakura k rekurwisa nehuwori pamwe nekusawanikwa kwemabasa kana richinge rakunda musarudzo.
Vanorarama nehurema varatidzira neChitatu pamahofisi egurukota rezvemari vachiti vanoda kubhadharwa mari yayanga vasiri kuwana kwemakore masere adarika.
Sangano e Election Resource Centre rapomerwa neMuvhuro mhosva yekudzidzisa vanhu nezvekuvhota risina kunyoresa kukomisheni inowona nezvesarudzo.
Rodhai zvimwe