HARARE —
Komisheni inowona nezvesarudzo ye Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, yatadza kusimudza chirongwa chemazuva makumi matatu chekunyoresa vanhu sevavhoti sezvanga zvakatarisirwa neMuvhuro.
Mutevedzeri wasachigaro weZEC, Amai Joice Kazembe, vanoti komisheni yavo yatadza kutanga chirongwa chekunyoresa vanhu sevavhoti nepamusana pezvipindaidzo zvayasangana nazvo.
ZEC yakatarisirwa kunyoresa vanhu sevavhoti maringe nebumbiro idzva remitemo yenyika iro rakasainwa nemutungamiri wenyika mwedzi wapera.
Bumbiro iri rinoti panofanira kuita mazuva makumi matatu vanhu vachinyoreswa sevavhoti kubva parakasainwa kuitira kuti pagoitwa sarudzo itsva.
Amai Kazembe vanoti pane zvakawanda zvichiri kuda kugadziriswa kunyange hazvo vachiti vakapihwa mari nehurumende yekuita basa iri.
Murongi wemisangano muMDC-T, VaNelson Chamisa, vanoti kusamira zvakanaka kwezvinhu pachirongwa chekunyoreswa kwevanhu sevavhoti kune chekuita nezuva resarudzo idzo dzakanzi nedare repamusoro-soro dzinofanirwa kunge dzaitwa musi wa 31 Chikunguru usati wadarika.
Va Chamisa vanoti hazvigone kuti chirongwa ichi chitange veruzhinji vasina kuziviswa mafambisirwo achaitwa chirongwa ichi.
VaChamisa vanoti vachaita musangano neZEC neChipiri pamusoro pechirongwa ichi.
Hatina kukwanisa kunzwa divi re Zanu PF panyaya iyi sezvo mutairiri webato iri, VaRugare Gumbo, vati vanga vari mumusangano.
Asi Amai Kazembe vanoti homwe yekomisheni yavo yakasimba rwendo rwuno kana zvichienzaniswa nepakanyoreswa vanhu sevavhoti bumbiro remitemo idzva risati ragazetwa uye vanoti vane tarisiro yekuti zvinhu zvichafamba zvakanaka.
Kunyange hazvo dare repamusorosoro rakatura mutongo wekuti sarudzo dziitwe musi wa 31 Chikunguru usati wadarika, hurumende inoti haisati yawana mari ichashandiswa pakuita sarudzo idzi, ukuwo MDC-T ichiti ichasvitsa nyaya iyi kumusangano weSADC kuMaputo uyo uchazeya nyaya yeZimbabwe.