Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Voita Zanondega Vachitara Zuva reSarudzo


Zimbabwe yapinda mugakava idzva rezvematongerwo enyika zvichitevera kutarwa kwaChikunguru 31 nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, sezuva richaitwa sarudzo.

Asi mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vanoti havasi kutambira zvaitwa naVaMugabe izvi, vachiti zviri kunze kwemitemo.

Muchiitiko chinonzi chakatyamadza vamwe vanhu munyika, Va Mugabe vazivisa kuti sarudzo dzichaitwa musi wa 31 Chikunguru vachiti vari kutevedzera mutongo wedare repamusorosoro wekuti sarudzo idzi dzinge dzaitwa musi uyu usati wadarika.

VaMugabe vanotiwo dare richatambira mazita evanhu vachakwikwidza musarudzo idzi richagara musi wa 28 Chikumi.

Asi Va Tsvangirai vanoti VaMugabe havana kuvapa mukana wekuti vawirirane nezvezuva richaitwa sarudzo, asi kuti vangoita zvekuvanyorera tsamba yavatambira China mangwanani.

VaTsvangirai, avo vanove mutungamiri weMDC huru, vanoti havasi kutambira zuva ratarwa naVaMugabe iri.

VaTsvangirai vanoti zvaitwa naVaMugabe izvi zvinotyora bumbiro remitemo yenyika iro ravanoti rinosungira VaMugabe kuti vawirirane naivo semutungamiri wehurumende panyaya dzekutara zuva re sarudzo.

MDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube inotiwo haisi kufara nezvaitwa naVaMugabe izvi. Munyori mukuru mubato iri, Amai Priscilla Misihairabwi Mushonga, vanoti zvaitwa naVaMugabe hazvisi izvo zvavakawirirana mudare remakurukota neChipiri svondo rino.

VaTsvangirai vanoti kuita sarudzo itsva musi 31 Chikunguru kuchaita kuti vanhu vazhinji vari kunyoresa kuvhota pari zvino vatadze kuzovhota musarudzo idzi.

VaTsvangirai vanoti nyaya yezuva resarudzo idzi ichazeyewa kumusangano wesangano renyika dziri kuchamhembe kweAfrica wakatarisirwa kuitwa muguta guru re Mozambique reMaputo neMugovera.

Amai Misiharabwi Mushonga vanoti kuchakandiranwa makobvu nematete kumusangano weSADC uyu.

Zvichakadai, VaTsvangirai vakwidza nyaya iyi kumatare vachiti zvaitwa naVa Mugabe zviri kunze kwemutemo.

Mutungamiri weDemocratic Party, VaUrayayi Zembe, vanotiwo sarudzo dzine humbimbindoga sehwaitwa naVa mugabe dzinogona kuita mhirizhonga.

Nyanzvi munyaya dzemitemo dzinoti kunyange hazvo VaMugabe vaine masimba sumutungamiri wenyika, mamwe masimba avo akadimburwa pakavakwa hurumende yemubatanidzwa kuburikidza nechibvumirano chezvematongerwo enyika chavakasaina ivo VaMugabe mbune muna Gunyana 2008.

Nyanzvi idzi dzinoti chibvumirano che Global Political Agreement chinosungira kuti vakuru muhurumende yemubatanidzwa, vagare pasi vowirirana pakuita zvinhu zvinokoshera nyika yose.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:08:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG