Accessibility links

Breaking News

Mudede: Vari Kunze kweNyika Havavhote Kana Sarudzo Dzoitwa

VaTobaiwa Mudede
VaTobaiwa Mudede
Mabharani mukuru wenyika, VaTobaiwa Mudede, vanoti Zimbabwe haisi kuzotevedzera mutongo wekomisheni yeAfrican Union inowona nezvekodzero dzevanhu, yeAfrican Commission on Human and People's Rights wekuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvivhote musarudzo dzakatarisirwa kuitwa gore rino.

Vachitaura pamusangano waitwamuHarare nekomisheni inowona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission, ZEC, pamwe nevemasangano anoshanda akazvimirira, VaMudede vati hurumende haisi kuzotevedzera mutongo we uyu.

VaMudede vati kutevedzera mutongo uyu, uyo unosungira kuti Zimbabwe ibvumidze zvizvarwa zvayo zviri kunze kwenyika kuvhota, kwakafanana nekubvumidza vekunze kuti vapindire munyaya dzematongerwo enyika muZimbabwe.

Munyaya yakakwidzwa kuAfrican Commission nemutungamiri we Zimbabwe Exiles Forum, VaGabriel Shumba, komisheni yakati kusabvumidza zvizvarwa zvenyika kuvhota kunotyora kodzero dzevanhu ava.

Zvichakadai, komishina muZEC, VaGeoff Feltoe, vaudza musangano uyu kuti mutemo wesarudzo unofanira kuvandudzwa kuitira kuti unangane nebumbiro idzva remitemo yenyika kuitira kuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvikwanise kuvhota musarudzo dzakatarisirwa kuitwa gore rino.

Zvinofungidzirwa kuti pane zvizvarwa zveZimbabwe zvinodarika mamiriyoni mana zviri kugara kunze kwenyika zvikurusei mu South Africa ne United Kingdom.

Bumbiro idzva remitemo yenyika rinoti munhu wese akazvarirwa muZimbabwe ane kodzero dzekuvhota. Asi VaMudede vati vanhu vari kunze kwenyika vachakwanisa kuvhota vanhu vari kushanda pamizinda yeZimbabwe kune dzimwe nyika pamwe neavo vanenge vachiita basa rehurumende kunze kwenyika panguva iyo vanhu vanenge vachivhota muZimbabwe.

Zvichakadai, masangano anoshanda akazvimirira ati haasi kufara nevanhu vaviri vari kunzi ndivo vachange vachidzidzisa vanhu nezvekunyoresa kuvhota muwadhi yega yega.

Nhengo yeCrisis in Zimbabwe Coalition, VaNixon Nyikadzino, vati vanhu ava havakwanise kudzidzisa vanhu vakawanda nezvekunyoresa sevavhoti munharaunda dzavanenge vachishandira sezvo mawadhi mazhinji ari munyika akakura zvikuru

VaNyikadzino vatiwo havasi kufara kuti vambenge vachidaidzwa kuti ma aliens vanogona kutadza kuvhota sezvo VaMudede vati zvinogona kutora mwedzi mina kuti vanhu vakadai vawane zvitupa zvemuno kana mapepa evanhu ava asina kunyatsomira zvakakanaka.

Vemasangano anoshanda akazvimirira vanoti chirongwa chekunyoresa vanhu sevavhoti icho chiri kutanga neMuvhuro chichaitwa pamwe chete nechekuongorora gwaro revavhoti chinogona kukonzera dambudziko rekuti vanhu vari kutanga kunyoresa sevavhoti vanogona kushaya mukana wekuti vatarise kuti mazita avo arimo here mugwaro revavhoti iri.

ZEC inoti vanoda kunyoresa kuvhota vanofanira kunge vane zvitupa kana mapasipoti avo uye chirongwa ichi chakatarisirwa kuitwa kwemazuva makumi matatu maererano nezviri mubumbiro idzva remitemo yenyika.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
This item is part of
XS
SM
MD
LG